Zimpapers Cancer Power Walk yasvika

31 Oct, 2023 - 09:10 0 Views
Zimpapers Cancer Power Walk yasvika Vanhu vari pachirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk nguva yadarika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKAMU chechisere cheZimpapers Cancer Power Walk chasvika apo chirongwa ichi chichaitwa musi wa4 Mbudzi muHarare, kuBulawayo, kwaMutare, kuGweru, kuMasvingo nekuChinhoyi.

Mukushi wemashoko mukambani yeZimpapers, Pauline Matanda, anoti kuti vanhu vakwanise kupinda muchirongwa ichi vanofanira kunyoresa vobhadhara US$10 yevachafamba nekumhanya neUS$20 kune vachashandisa mabhasikoro.

Pamusoro pezvo, vose vachapinda muchironga ichi vachawaniswa makepesi nemat-shirts pachena.

“Kunyoresa kupinda muchirongwa ichi kuri kutofambira mberi vanhu vachibva vangopihwa hanzu dzavanozopfeka pazuva iri paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post Building kwaMutare, mahofisi eZimpapers ari kuMasvingo neGweru uye Platinum FM Studios iri kuChinhoyi.

“Chinangwa chechirongwa ichi ndechekuunganidza mari inozoendeswa kuIsland Hospice kuti inobatsira vanhu vanotambudzwa nezvirwere zvegomarara uye panguva imwe cheteyo tinenge tichikusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji nezvekukosha kwekuvhenekwa gomarara nekuchimbidza uye kurapwa kwaro, pakati pezvimwe,” anodaro Matanda.

Anoti kubvira gore richitanga, vanga vari mushishi kuita zvimwe zvirongwa zvekufundisa veruzhinji nezvechirwere chegomarara nokudaro vave kupendera gore neZimpapers Cancer Power Walk.

Mukushi wemashoko weZimpapers, Mai Pauline Matanda,

Matanda anoti veruzhinji vachatanga kufamba kubva na6 kusvika na10 munguva dzemangwanani.

“MuHarare, vanhu vachaungana paOld Hararians Sports Club kuchizoti kuBulawayo paChronicle House, Mutare paManicaland Motoring Club, Masvingo paCivic Centre uye Gweru paOK Mart. Ngatikokei hama neshamwari tiite mubatirapamwe mukurwisa zvirwere zvegomarara nekutsigira vakatobatwa negomarara. Mujaho wemabhasikoro uchaitwa muHarare nekuGweru,” anodaro.

Vanhu vari pachirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk nguva yadarika

Matanda anotenda vatsigiri vakazvipira kushanda nekambani yeZimpapers neIsland Hospice vakadai seFBC Holdings neSunny Yifeng (Diamond Sponsors), West Group Security Services, Medicines Control Authority of Zimbabwe, West Property, Masuka Christian High School, Bak Logistics, Rue’s Paper Flowers, Sir Charles, Hybrid Travel & Tours, Ambulance Care and Evacuation, Oriental Multi-Media, Pathology Laboratories, Hitbay, Medicine Shoppe Pharmacy, MIC Radiology, Baines Intercare Medical Centre, Radiation Protection Authority of Zimbabwe, Speed Bikes, Zimswitch, People’s Republic of China, Allied Health Practioners Council of Zimbabwe neZimbabwe National Family Planning Council Masvingo.

Anoti vamwe vakasununguka kuuya kuzotsigira sezvo zuva iri risingafaniri kupotswa nekuti rine chinangwa chekuchengetedza upenyu uye utano hwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey