Kwayedza
Munyori weKwayedza
YAKAVE batai-batai pane chimwe chipatara chiri kuGweru apo zimukweshwa renyoka raive rakareba mamita anodarika matatu — iro rinofungidzirwa kuti irovambira (black mamba) — rakapinda mune imwe wadhi inorapirwa varwere ndokuhwanda pasi pemubhedha zvikaita kuti varwere nanamukoti vaite bararamhanya vachitiza.
Vakuru vepachipatara ichi vanoti zinyoka iri rinogona kunge rakatsvaga pekuhwanda zvichitevera mvura zhinji iri kunaya munzvimbo iyi.
Zinyoka iri rinonzi rakaonekwa nemumwe mukoti apo aitenderera kumibhedha yevarwere achiita basa rake nemusi weMuvhuro svondo rino.
“Chiitiko ichi chakasiya vanamukoti nevarwere vose vaine kutya kukuru, asi zinyoka iri rakazouraiwa nanamukoti vachishandisa matanda,” anodaro mumwe wanamukoti vepachipatara ichi.