Kwayedza
MUDZIYO uyu unogadzirwa uchiita zvekurukwa netsanga, nhokwe kana nemiti yakaita semishenjere. Unosevenzeswa mumabasa akawanda mumisha, kuwurutsa kana kupepeta zvinhu zvakaita semupunga uye dzimwe n’anga dzinoisira mishonga imomo.
Vanotaura vanoti mudziyo iwoyu unosevenzeswa nevaroyi kuita “chikopokopo” chekubhururuka nacho vachienda kwavanenge vada nekukasika. Asi vamwe vanongoushandisa kushongedza mudzimba dzavo. Kwenyu munouti chii?