Uncategorized

Ziva nezvembwa inonzi Pitbull

03 Feb, 2020 - 17:02 0 Views
Ziva nezvembwa inonzi Pitbull

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MASVONDO maviri adarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya inosiririsa yemurume anga achishanda paimwe imba iri kuMt Pleasant, muHarare, uyo akafa nekurumwa nembwa yerudzi rwePitbull.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi, vaverengi vakawanda vanobvunza kuti imbwa iyi yakamboita sei?

Naizvozvo, bepanhau revanhu rinokupai zviri pamusoro pembwa yerudzi urwu.

Charles David (51) ndiye akarumwa nePitbull iyo yaakarera achishanda pamba apa kubva ichiri mbwanana mugore ra2017.

Imbwa iyi inonzi yakatanga kurwisana netwumbwanana twuviri twemhando yeGerman Shepard apo David aidzipa chikafu. Panguva iyi muridzi wepamba apa ainge asipo.

Apo David akaedza kudzirandutsira, Pitbull yakabva yasiya kurwisa mbwanana, ndokumuruma achibva akuvara zvakaipisisa izvo zvakaita kuti anofira kuchipatara cheParirenyatwa Groups of Hospitals mushure mamazuva matatu.

Pitbull yakaita sei?

Pitbull yakabva pamusanganiswa (cross-breeding) wembeu yembwa inonzi Terrier neBulldog.

MaPitbull anowanzoshandiswa mumitambo yekurwa (bloody sports and fights).

Imbwa iyi haitane kugumbuka uye inokwanisa kukuvadza kana kuuraya dzimwe imbwa nyore.

Makore ekuma1800, imbwa idzi dzaidaidzwa kunzi Old English Bulldog, dzinoratidzika kuve diki pamuviri wadzo zvisinei nekuti dzinenge dzakura.

Chikonzero chakaita kuti mhando dzembwa idzi dzirambidzwe kune dzimwe nyika ndechekuti vamwe varidzi vadzo vaive nemweya wehutsotsi vaidzidzidzisa nenzira yekuti dzinosvika pakupingudzika dzichiita ukasha hwakanyanya.

Pitbull yakasimba zvikuru uye hakuna dzimwe imbwa dzakafanana nadzo asi pane dzimwe nguva dzaitorwa sembwa dzinoda runyararo uye dzinoda kuita mitambo nevanhu kana mureri wadzo ari munhu akadzikama. Asi kana muridzi wacho asina kudzikama, dzinopandukawo zvichifambirana nemamiriro ezvinhu panguva iyoyo.

Pitbull ine shaya dzakasimba uye kana ikaruma chinhu, mazino ayo anopesana zvekuti anotobva kana ichinge yatokwachura nyama kana chinhu chainenge yaruma.

Zvisingafambirani nemaPitbull (allergies):

Kana ukaona imbwa iyi ichimara-mara pasi kana kunanzva mapopo kana kukwenya-kwenya kumeso kwayo, ibva waiendesa kwachiremba kuti inotariswa kuti haina maallergies here.

Mhando nhatu dzemaallergies anonetsa maPitbull anosanganisira “atopic dermatitis” iyo inobata ganda, kunyanya kana dzichigara munzvimbo dzine huruva, majuru nemwando. “Inhalant allergy” kana “cherry eye” ndeimwe mhando yemaallergies anobata Pitbull zvichikonzerwa nekufema huruva kana mimwe mishonga. Unokwanisa kugezesa imbwa neshampoo.

“Food Allergy” inokonzera kuti imbwa dzikwenye ganda nenzeve, kukosora kana kuita mudumbu nekupisa muviri. Zvimwe zvezvikafu zvinokonzera maallergies kuimbwa zvinosanganisira nyama yemombe, yenguruve, yehuku, yetsuro, yehwai, hove, mazai, gorosi kana mukaka.

Zviratidzo zvePitbull:

Pitbull inoratidza kuva nesimba rakawanda.

Kuruma kunoita Pitbull kwakafanana nechigero, mutsipa wacho wakasimba zvikuru, ndozvakaita muviri wayo wese uye inomhanya nekujamba zvikuru saka dzinonyanya kushandiswa mumitambo yekumhanya nekujamba.

Nzeve dzayo dzinogona kudimburirwa nekuti kana dzikasanzaro dzinopeteka dzorembera kumberi kana kumashure.

Muswe wePitbull mutete usina kunyanya kureba uye wakatesvera nechekumberi.

Mamwe maPitbull ane maziso eblue.

Dehwe rePitbull idete richipenyerera uye dzinowanikwa muruvara rwebhurauni kana rutsvuku kana mamwe mavara.

Hurefu nehuremu hunoenderana nekuti imbwarume here kana kuti ihadzi.

Hadzi dzinorema 14 – 36 kg

Hadzi dzine hurefu hwe45 – 72 cm

Rume dzinorema 14 – 36 kg

Rume dzine hurefu hwe48 – 56 cm

Makore ekurarama ari pakati pe8 kusvika 15

Hunhu hwePitbull:

Dzine chido chekufadza varidzi vadzo, njere dzakarodzwa nerudo uye dzakangwara.

Dzinokurumidza kuona muvengi.

Dzinochengeteka pamba kana dzichinge dzadzidziswa zvakanaka kubvira dzichiri diki.

Usarera imbwa iyi semarere aunoita munhu nekuti inogona kungopanduka chero nguva.

Imbwa idzi hadzifarire kuruma vanhu asi nenhau yekuti panguva yadzinorwa, varidzi vadzo vanokurumidza kuda kupindira kuti dzisarwe zvinova zvine njodzi uye hadzifariri vana.

Pitbull inokwanisa kugara nedzimwe mhando dzembwa.

Kana ikaona imwe imbwa ichirwisa, Pitbull inopindira.

Usaedza kutamba nenzeve dzayo, mhuno kana kudhonza ndiro yayo panguva yekudya nokuti inokurwisa.

Pitbull kana ikadzidziswa, inokwanisa kuronda mabhomba kana vapari vemhosva.

Munguva yeWorld War I, Pitbull yakabatsira kubata mutengesi (Germany spy) ikamuruma ndokumuendesa kumauto eUnited States achibva azoendeswa kujeri saka imbwa yemhando iyi yakabva yapihwa nyembe nechikwata chevakuru vemapurisa eko yava kutoshanda saSergeant

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey