‘Zora mwana wako makanda emabanana’

31 Oct, 2023 - 09:10 0 Views
‘Zora mwana wako makanda emabanana’ Makanda emabanana

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

VANHU vaive mudare reHarare Civil Court vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati akaridzira nhare murume wake achimuudza kuti mwana wavo aive atsva nemvura ndokupindura achiti amuzore makoko emabanana uye asamunetse.

Izvi zvakabuda apo Stanely Zhuwawo akaendesa Violet Kambari kudare iri achida kuti US$40 yaari kubhadhara pamwedzi yekuchengeta mwana wavo idzikiswe kuenda pa$20.

“Kubasa kwangu mari haisi kuwedzerwa uye ndakaroora mumwe mukadzi, ndine mumwe mwana wandinochengeta zvakare,” anodaro Zhuwawo.

Kambari akati zvose zvaitaurwa naZhuwawo manyepo nekuti haadi kuchengeta mwana wake.

“Mumwe musi mwana akatsva nemvura ndikamuridzira nhare ndichida mari yekumurapisa akanditi zora mwana wacho makoko emabanana uye usandichaire nhare zvakare,” anodaro Kambari.

“Murume uyu anogara pamba pevabereki uye haana mwana waanochengeta nokuti nemukadzi waari kugara naye havana mwana vese. Akatotaura kuti haasi kuda kuchengeta mwana uye mari yacho achaita kuti idzikiswe ndione moto naye mwana iyeye.”

Zhuwawo akapikisa achiti haachagari nevabereki vake uye kubasa kwaari kuenda kunoda mari yemakombi.

Mutongi Ayanda Dhlamini varasa chikumbiro chaZhuwawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey