Uncategorized

ZPC yoshingaira kuwedzera magetsi

09 Nov, 2021 - 14:11 0 Views
ZPC yoshingaira kuwedzera magetsi

Kwayedza

Malvern Mugadzikwa

KAMBANI yeZimbabwe Power Company (ZPC) yakawedzera kupa huwandu hwemagetsi muchikamu chetatu chegore ra2021 izvo zvaona ichikwenya magetsi ane huwandu hunosvika 2,203GWh ayo akawanda pane aitarisirwa nechikamu che7,69 percent.

Budiriro iyi inoenderana nehurongwa hweHurumende hwekusimudzira upfumi hwenyika pasi pechirongwa cheNational Development Strategy (NDS1).

Muchinyorwa, Dr Sydney Gata – avo vanova executive chairman weZimbabwe Electricity Supply Authority (ZESA) Holdings – vanoti Kariba Power Station yakabura chikamu chinosvika 64 percent pamagetsi ose akagadzirwa neZPC panguva iyi uye 5 percent yemagetsi aya akaendeswa kuNam Power.
Hwange Power Station yakakwenya magetsi anosvika 33 percent apo magwenya midiki (small thermals) akabika chikamu che3 percent.
Kugadzirwa kwemagetsi pamagwenya madiki kwakaita kushoma nekuti mashomawo.
Pakupera kwechikamu chetatu chegore rino, Kariba Power Station yanga yashandisa mvura inosvika 17.645Bm3 kuchisara 3.355Bm3 yekuti igadzire magetsi panguva yasara kuti gore ripere.

“Zambezi River Authority yakapa mvura inokwana 30Bm3 kuKariba North neKariba South Power Station yekugadzirisa magetsi muna2021.
“Kariba South Power Station yakapihwa mvura yekushandisa kwegore rose inosvika 15Bm3 asi yakazowedzerwa kusvika pa42Bm3,” vanodaro Dr Gata.
Hwange Expansion Project iri kuramba ichibudirira mukugadzira magetsi mushure mekutanga chikamu chetatu chegore nezvikamu 67.97 percent ndokuzopedza yave pa72.18 percent. Zvisinei, haisati yazadzikisa marongerwo akanga akaitwa nekuda kweCovid-19 iyo yakaita kuti vanhu vaite vashoma pabasa zvichitevera kuvepo kwechirongwa chelockdown apo veruzhinji vaisatenderwa kufamba-famba.
Dr Gata vanoti ZPC yabudirira zvakare pachirongwa cheDeka Upgradation Project.

“Vari kuita chirongwa ichi vagadzirira kutanga, zvekushandisa zvatova panzvimbo dzinopinda nezvinhu munyika uye pachange pachigara vanovaka nezvimwe zviri kugadziriswa,” vanodaro.

Magetsi anobva kuHwange achienda kuSherwood Sub-station pasi pechirongwa cheExpansion Project akatanga kugadzirwa munaChikumi gore rino uye pari zvino atora nzvimbo yakareba 120km pa360km yaari kufanira kusvika.

“Vanhu vazhinji vari panodarika nemagetsi aya vanozivikanwa nekuti Project Affected Persons (PAPs), kubva kuHwange kusvika kuInsukamini, vari kubviswa vachigariswa kune dzimwe nzvimbo pasi pechirongwa cheZPC Relocation Action Programme (RAP),” vanodaro.

Dr Gata vanoenderera mberi vachiti, “Kuvakwa kwedzimba itsva dzevanhu vachagariswa patsva kwakatanga gore rino munaNyamavhuivhu kuHope Fountain, Mazwi, Kloof, Stevenson Farm, Epping Forest, Sawmills, Gwayi Siding, Bambanani neChizhou. Dzimba idzi dziri kutarisirwa kupedza kuvakwa munaZvita wegore rino.”

Zvichakadai, ZPC iri mubishi kushanda kuti itamise vagari vekuIngangula.
Pekuvakira dzimba pakatowanikwa kuEmpumalanga uye pari kutarisirwa kutanga kushandwa muchikamu chekutanga chegore ra2022.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey