Uncategorized

zvakakoshera africa day

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE nemusi weMuvhuro unotetevera, 25 Chivabvu, ichabatana nedzimwe nyika dzose dzemuAfrica mukupemberera zuva reAfrica Day.

Kwayedza yakaita hurukuro nevaverengi vemazera akasiyana avo vakapa mafungiro avo pamusoro pekukosha kwezuva iri.

Nigel Mavunga (32) wekuHatifield anoti zuva iri rakakosha zvikuru nekuti rinoumba humwe kuvanhu vemarudzi akasiyana kuti vange vaine chinangwa chimwe chete chine chekuita nebudiriro yenyika dzose dzemuAfrica.

“Zuva iri rakakosha asi nhuna dzevanhu dziri kungotaurwa pasina matanho ari kutorwa kuti dzigadziriswe. Kune zvinhu zvinodiwa kuti upenyu hwevanhu hunge kuchiendeka zvakadai semagetsi, mvura yakachena, mabasa nezvimwe zvinoita kuti nyika dzibudirire,” anodaro Mavunga.

Mashoko ake akatsigirwa naVaRiphanos Gavi (35) vekuHatcliffe Extension, muHarare, vachiti zuva iri rakakosha munhoroondo yeAfrica. “Zuva iri rinotibatanidza sevana vemuAfrica yose zvichiratidza kuti tiri vanhu vanonzwanana, vakabatana uye vane runyararo. Mukatarisa nyika yakaita seZimbabwe, ine vanhu vakafunda vasingade hondo uye kubvira mugore ra1980 tichiwana kuzvitonga kuzere, hakuna pfuti yakarira muno saka runyararo rwakakosha,” vakadaro VaGavi.

Mai Locadia Nkomo (23) vekuChitungwiza vanotiwo vanofara zvikuru nerunyararo rwuri munyika muno rwunova mucherechedzo wekubatana.

Munashe Nzongo (15) wekuNorton, uyo anodzidza paChrist For Zimbabwe College, anoti anokoshesa Africa Day.

Zuva iri rinocherechedzwa nomusi wa25 Chivabvu gore negore uye chiitiko ichi chakaparurwa muna1963 nemubatanidzwa wenyika dzemuAfrica waidainzwa kunzi Organisation of African Unity (OAU) iyo yava African Union (AU).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey