Uncategorized

Zvakanyorwa pabvunzo dzeHEXCO zvabuda

06 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
Zvakanyorwa pabvunzo dzeHEXCO zvabuda

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUNYORI mukuru mubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina – Professor Fanuel Tagwira – vanozivisa kuti zvakanyorwa pabvunzo dzeHigher Education Examinations Council (HEXCO) mumwedzi waMbudzi 2021 zvabuda.

Vanotenda vadzidzi avo vakashanda nesimba uye nevatsigiri vakaita kuti kunyorwa kwebvunzo idzi pamwe nekumakwa kwadzo kubudirire.

Kuburikidza nerutsigiro rwakavapo uye mushandirapamwe, vadzidzi vakapasa nechikamu che60.9 percent.

Vadzidzi vakanyora bvunzo dzeHEXCO vanokurudzirwa kunotora zvakabuda kumizinda iri pedyo navo kutanga nemusi wa6 Ndira 2022.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey