Uncategorized

Zvichienda zvakadaro semabhatani ehovhorosi

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
NDIWE Mary, Chipo, Rachel, Grace, Maggie kana Elizabeth? Tese tine mazita atakapihwa nevabereki, kana atakapihwa nevamwe vanhu vanotiziva kana atakapihwa nevatori venhau. Tese tine mazita atinoshevedzwa nawo tichidaira.

Vamwe vane mazita anoita kukwikwidza kunamira pavari sezvikwewe. Unogona kunzi Gafa, Winky D, Extra-terrestrial, Biggie man, Ninja President zvichienda zvakadaro semabhatani ehovhorosi.

Tinawo zvakare mazita atakazvitsvagira ekuti kana baba namai vakauya vachititsvaga havatiwane. Vamwe takatiza mazita edu ekumusha eChiShona nekuti haana kaye kamave kuti ka “that.” Mazita ataiziva ana Wadzanai, Ruramai, Tinopona, Tafadzwa, Chamunorwa, Chengetai, Runyararo nemamwe ave kunatsurudzwa, kusurudzwa nekuswededzwa kuChirungu onzi: Wadzie, Rue, Tin-tin, Far, Chamen, Cher zvichienda zvakadaro.

Pamazita ese aunoshevedzwa nawo, pane zita rinoti rikashevedzwa rinokupinda mukati sechipunu chiri kupinda mukanwa chakadengezera machikichori. Riripo zita rinozivikanwa nyangwe nekudenga. Pane vanhu vanokushevedza mazuva ese – unoshevedzwa nevana vachiti mhamha kana dhedhi, kubasa uchinzi Mr kana Mrs, Dr kana Shefu.

Pamazita ese aunoshevedzwa nawo uchidaira, pane vaunotoiginowa nekuti vamwe vanhu vanongopedza nguva vasina nyaya dzine musoro. Asi pane munhu anogara achikufunga. Munhu anogara achikufunga haagone newe nyangwe iwe uchifunga kuti anopenga.

Nhaiwe Michelle, Peshi, Fidza kana Widzo, unombozviziva here kuti zita rako haripo pamaNAMA nominees kana pamaNAMA award winners asi ririko kudenga? Zita rako iwewe chaiye rinotaurwa mumisangano yekudenga.

Vanenge vasiri kukunyeya ufunge, asi vanenge vachitaura kuti wakakosha kudarika vanhu vaye vasina kukutenda pawakavabatsira. Zita rako rine dignity kudenga asi dignity ine zita rako kudenga uri kuibvisa hembe kuti uite pono.

Zita rako riri kushevedzwa naJesu, asi uri kumuiginowa nyangwe ari kuda kukuudza kuti pamuchinjikwa paye paakarovererwa akanga achikuvadzirwa iwewe kuti uve nemba yakowo kudenga ine musiwo wakanyorwa zita rako chairo kwete kunzi hwindi kana kuti slay queen. Slay chirungu chinoreva kuuraya.Chirega kuramba uchiuraya nekuti uri kuuraya vanhu vakafirwa naJesu kusanganisira newewo wacho uri kuzviuraya.

Jesu ari kukushevedza nezita rako. Ari kuda kutaura newe asi iwewe uri kutaura nezvaExQ, nezveGucci, Altezza, pizza nezvemapikicha ari paSamsung S10 yako. Uri kuudza shamwari dzako kuti uri kukwira ndege mangwana.

Jesu ari kuramba achingokushevedza zvine tsitsi, rudo neruremekedzo – asi hausi kumunzwa nekuti uri kuverenga mari – maUSA. Hausi kumupa nguva kuti ungonzwa kuti sei achikuziva nezita rako, kana kuti sei ari kukushevedza. Jesu ari kuda kutaura newe kuti anokuda kudarika Samsung S10 zvese nemapikicha akanaka kunge girazi ainotora. Samsung S10 ichapera basa zvekuti gore rinouya chairo inenge yatsviviwa neimwe inoshamisa nekushamisira kuidarika.

Jesu ari kuda kutaura newe asi uyo nhingi ari kuti “ngatiite misikanzwa” nyangwe achizviziva kuti kuita misikanzwa hakuna kunaka. Misikanzwa ndiyo yakaitwa naAdam naEve vaudzwa naMwari kuti vasadye muchero.

Jesu ari kukushevedza kuti akuudze kuti anokuda kwete zvekukushandisa nekuti akatokushandira kare. Ari kukushevedza kuti akuudze kuti unozviziva here kuti wakabata chiguri chisina chibage, asi iye ane chibage chiri kunhuhwirira, chakatsvukirira chaakugochera, akatoudza vanga vachichida kuti “Aihwa, ichi ndechanhingi wangu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey