Uncategorized

‘Zvidhoma hazvidi neni’

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
‘Zvidhoma  hazvidi  neni’

Kwayedza

‘. . . zvine shanje’

 ‘Zvinondiita mukadzi’

MUSIKANA wechidiki anogara mumusha weChikanga, kwaMutare, anoti ashaya zvekuita nezvidhoma izvo zvinomuitira shanje, zvichimuita mukadzi pamadiro nekumutadzisa kuroorwa.Felistaus Seda (21), uyo kumusha anobva kuHonde Valley, akakurukura neKwayedza svondo rapera ari kupurazi reChigomo, riri kuMt Hampden, pedyo neHarare, uko kwaakapotera achitsvaga rubatsiro kumumwe muporofita wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku.

Musikana uyu anonzi pane zvikwambo zvinotaura paari zvichiti hazvife zvakamusiya sezvo ari mudzimai wazvo.

“Zvinoshereketa neni, angava masikati kana husiku. Zvimwe ndinoona zviri zvivanhu zvechirume zvandisingazive.

“Kana zvave kuuya masikati, ndinonzwa madzikirira kana kungoerekana ndave kubatwa nehope, kunyangwe ndichitofamba.

“Ipapo ndinobva ndatanga kunzwa kuti pane murume ane zvaava kuita neni. Kana huri husiku, ndinoita sendiri kurota asi paine zvinetenge zvichiitika pandiri. Ndapfidza!” anodaro Felistaus.

Musikana uyu anoti haana kumbobvira akaroorwa uye ane munyama mukuru uyo unoita kuti apote achirambana nevakomana nguva nenguva, vamwe vanenge vatosvika pakuda kumuroora. Izvi anoti zvinokonzerwa nezvinhu izvi.

“Ndagara nedambudziko iri kwemakore maviri uye ndafamba kun’anga nekumaporofita akawanda. Mari yaperera ikoko asi pasina chinosanduka.

“Ndakazouya kuno kuHarare apo ndakanzwawo kuti kune vakuru vepano vanonzi vanobatsira.

“Veduwe zvakaoma. Zvidhoma izvi zvikapedza neni ndinozoburitsa tsvina yakasviba zvikuru nekusikarudzi kwangu izvo zvinonzi itsvina yazvinosiya.”

Felistaus anoti kwose kwaanoenda kunotsvaga rubatsiro, anobata zita revamwe ambuya vake, avo vanonzi havadi kuti aroorwe, kana kuita mwana kanawo kugara zvakanaka.

“Ambuya ava ndivo vanonzi vari kuita mabasa aya, ekundiitira hutsinye kuti ndisagare zvakanaka. Ndinoda kuti dambudziko iri ripere, ndiitewo imba yangu sezvinoita vamwe vasikana. Ndinoda muchato chaiwo.”

Felistaus anoti mumhuri mavo vakaberekwa vari vanasikana vana uye ndiye oga ane dambudziko iri.

“Ivo vanonzi vanondidaro vacho vakaroorwa vakaita vana vavo. Asi ini vanoda kuti ndife ndisina kuroorwa, ndotadzawo kuita vana. Ndinodawo kubatsirwa zvinhu izvi zvibve pandiri,” anodaro Felistaus.

Anoti pane mumwe mukomana akanga avimbisana kumuroora asi vakazongorambana zvisinganzwisisike nekudaro anoda kuti vadzokerana sezvo pasina chikonzero chisvinu chakaita kuti vasiyane, kunze kwezvodhoma zvinomupfudzira.

Felistaus akaperekedzwa kuHarare uko ari kutsvaga rubatsiro nevabereki vake pamwe chete nemukoma wake Phyllis.

Phyllis (25) anotsinhira dambudziko remunin’ina wake achiti ravashaisa zano.

Phyllis Seda

Phyllis Seda

“Dambudziko rake rakatanga apo akavamba kubudirwa nemweya wechirume newechikadzi ichitaura kuti, ‘Uyu mukadzi wedu, haambofa akaroorwa, hatimusiye uye takamupihwa kare’.

“Mweya uyu tikaenda kumaporofita kana kun’anga unotaura vanhu vakasiyana kuti ndiko kwawakabva, kusanganisira vanambuya vedu, vanatete, shamwari dzake, nemamwe mazita evanhu vatinoziva mudzinza medu,” anodaro Phyllis.

Madzibaba Prangadai kana kuti Passmore Chinovava (29), avo vanobva kwaKasekete, kuMuzarabani, vanoti vari kuzama kubatsira Felistaus.

Madzibaba Prangadai

Madzibaba Prangadai

Zvichakadai, mukuru wesangano rinomiririra machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association, VaFriday Chisanyu, vanoti musikana uyu akaturikwa mweya wezvidhoma.

“Izvi zvinoitwa nevehukama kana vatorwa vanenge vachishandisa mwana uyu kuita mari naye. Kumuita mukadzi ikoko kunoita kuti vanhu ivava mari yavo iwande. Musikana uyu anoda kubatsirwa nekukasika,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira musikana uyu vanogona kuridza nhare dzinoti 0716 794 445 kana 0776 562 284 kana 0779 082 156.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey