Uncategorized

ZVIDHOMA ZVAKABVUTA SADZA PARUFU . . . Vanhu vakasara vaine nzara

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
ZVIDHOMA ZVAKABVUTA SADZA PARUFU . . . Vanhu vakasara vaine nzara

Kwayedza

VANHU vaiva parufu rwemumwe murume kuMbare, muHarare, vakasara miromo yavo yakaoma kuti papata nenzara nguva pfupi yadarika apo sadza neusavi hwacho zvaipakurwa mumabhodho nemumadhiramu kuti vadye zvakatsakatika zvose nendiro dzacho.

Manenji aya akaitika mumugwagwa waPhiri, kuStodart apo ndiro dzesadza rakapakurwa kubva mumadhiramu maviri nenyama yehuku nemuriwo wacho zvakashaikwa.

Izvi zvinonzi zvakaitika panhamo yaPhillip Alfonso (59) aigara panhamba 41 mumugwagwa waPhiri.

Murume uyu anonzi akafa asina kurwara uye akatofuma achiita mabasa epamba musi waazoshaya.

Mai Amina Nogwe (41), avo vanove muramu wemushakabvu, vanotsinhira nyaya yekutsakatika kwesadza nehusavi parufu.

“Vanhu kana vachinzwa nyaya iyi vanofunga kuti manyepo. Babamudiki Phillip vakafa vasina kurwara, vakangoita sevarohwa nezvishiri. Vakangonyarara pano pamba ndokuvaendesa kuchipatara cheHarare (Central Hospital) uko vakasvikofa.

“Mutumbi wavo wakazodzoswa pano pamba tikanouviga kuMbudzi,” vanodaro.

“Tadzoka, sezvo vanhu vakanga vaenda kumakuva vasina kudya, tete Christine Alfonso, hanzvadzi yemurume wangu vakabika sadza nevamwe kuseri kwemba vakapakura vachipa vanasikana vaifanirwa kunopa veruzhinji kuti vadye.

“Sadza iri harina kusvika kuvanhu dakara madhiramu maviri esadza apera. Imwe nyaya inonetsa ndeyekuti vasikana vatambidzwa sadza kuti vasvitse kuruzhinji vanoti havana kumbobvira vakagashidzwa sadza racho nevaipakura. Izvi zvinoreva kuti vaitambidza sadza iri kuvanhu vavaiona ivo voga, vachivafananidza nevasikana ava,” vanodaro.

Zvakazobuda vasikana vanonzi vaipihwa sadza kuti vasvitse kuruzhinji ava vaitenge vagere muruzhinji uye havana kumbobvira vasvika kumoto kwaibikwa zvekudya.

“Nguva yaipakurwa sadza iyi, vanhu vainge vari mubishi kugova nhumbi.”

Mai Nogwe vanoti zvinoreva kuti vanhu vaitambidzwa sadza raipakurwa iri vaionekwa nevabika bedzi.

“Chinonetsa ndechekuti ndiro dzose dzakapakurirwa sadza iri hadzina kuwanikwa kusvika nanhasi. Zhinji dzacho dzaiva dzangu nedzavamwene vangu nedzevamwe. Hatina ndiro pano izvozvi, dzakaenda nezvipoko zvakadya sadza, kana zvidhoma hamheno.

“Vaenzi vairemekedzwa vaisanganisira vana sekuru, madzitezvara nevamwe vakabva pano vachizunza misoro vasina kudya,” vanodaro.

Mai Christine Alfonso (63), avo vanonzi mumwe wevaipakura sadza iri, vanoti zvakaitika izvi mashura chaiwo.

“Ndakabika sadza ndokupakura apo vanhu vaigova nhumbi. Ndinoyeuka kuti ndakashevedza vasikana vatatu kuti vandibatsire kubika nekuzopa vanhu chikafu vaisanganisa Elizabeth, Rebecca naBertha, avo ndaitopa sadza ndichivaona vachienda kuruzhinji kumberi kwemba. Asi ndakazoshamiswa kunzwa kuti hakuna sadza rakasvika kuvanhu, vana ava vakaramba kuti vakambosvika kuchoto,” vanodaro.

“Taona masaramusi aya, takanzwa kutya kukuru ini ndikati kuruzhinji hatinamatei kuti tikunde miyedzo iyi.”

VaObert Alfonso (73), vanova mukoma wemushakabvu, vanotiwo nyaya iyi yakavasiya vasina neremuromo.

“Munin’ina wangu akafa asina kurwara, akafuma asingarware achitoti aida jolly juice, ice lolo nefodya, achiramba kudya ndokuzoenda kuchipatara uko akanofa. Vanhu vaiva parufu pano vakazobva vasina kudya sadza ratorwa nezvinhu zvisina kuonekwa,” vanodaro.

Vanotizve zuva rakazofa Phillip iri akatanga asakura nekubvisa marara pachivanze.

“Nyaya yakaitika pano tinoda maporofita nen’anga magodobori nekuti hakuna kwazvakamboitika kuti sadza rinonzi rinonyangarika vanhu voshaya chekudya. Zviri pachena kuti zvinodaro zviri zvidhoma kana zvikwambo zvakaita mabasa aya,” vanodaro.

Vanoti Phillip akafa muviri wake uchiita sewaiva waburitswa mufiriji kutonhora uyewo anonzi akafa akavhura maziso ayo akaramba kuvharika kusvikira pakuvigwa.

Amai vepamba apa, Mbuya Rosina Alfonso, havana kukwaniswa kutaurwa navo neKwayedza sezvo vakawanikwa varere nehurwere.

Mushure merufu urwu pakazorwarawo mumwe mukomana mumhuri iyi, Edison Alfonso, uyo anonzi akapotsa afa akanoponera kuchipatara.

“Hatichaziva zviri kuitika, tangopedza kuviga Phillip, Edison akarwara zvisina kunzwisisika. Hatichaziva kuti chii,” vanodaro VaObert Alfonso.

Pane mashoko akabuda anoti Phillip airova baba vake avo vakazofa vaine shungu iye asina kuvaripa.

“Pamba apa pane ngozi, iye mukomana wekuzofa Phillip uyu airova baba vake zvinozivikanwa nevakawanda muno. Baba vake vafa akapihwa shati iyo yakazonzi nevanoziva arege kuipfeka ikazonoiswa pamusoro peguva rababa vake zvichinzi baba ava vakafa vaine shungu naye.

“Saka kuzofa kwake asina kurwara nekuzoshaika kwesadza parufu rwake hazvishamise,” yakadaro imwe hama yemhuri iyi.

Asi VaObert Alfonso vakaramba mashoko aya vachiti manyepo ekuda kusvibisa zita ravo.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti mumhuri yemushakabvu uyu munogona kunge muine ngozi yakakonzeresa kushaika kwesadza nehusavi hwacho parufu.

“Pamba apa panogona kunge paine ngozi hombe kana zvikwambo. Hushereketwaka uhu. Makamboona sadza rinonyangarika panhamo vanhu votadza kudya?” vanodaro Sekuru Katerere.

Kune vanogona kubatsira mhuri iyi vanokurudzirwa kuridza nhare dzinoti 0778 412 484 kana 0716 568 777.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey