Uncategorized

‘Zvidhoma zvangu zvakadzoka’

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Zvidhoma zvangu zvakadzoka’ MUSIWA DENHERE

Kwayedza

Blessings Chidakwa kuGWERU —
VAGARI vekuMkoba 20, kuGweru vakasara vasina mate mukanwa nguva pfupi yadarika mushure mekunge tsikamutanda ane mukurumbira muguta iri akazivisa veruzhiji kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo zvake zvakadzoka kubva kumumwe muporofita ane mbiri uyo waaimboti airambira nazvo.

Tsikamutanda uyu, Musiwa Denhere (36), anoti zvikwambo zvake zvine mazita anoti Chavasikana, Chamuropa naChamufodya zvakange zvatorwa nemuporofita uyu (zita rake tinaro) apo vaida kumuchenura nekumubatsira pamatambudziko ake.

Zvisinei, murume uyu akazofunga kuti muporofita uyu amudzorere zvikwambo zvake mushure mekunge ava kushaya zvinomuraramisa sezvo zvidhoma izvi zvichiita kuti awane mari kuburikidza nekushandira vanhu. Denhere anoti pakutanga, muporofita uyu akamboramba kudzosa zvikwambo izvi asi ndokuzozvidzora mushure mekunge aramba achimunetsa nekuda kwazvo.

Zvisinei, murume uyu haasi kunyatsojekesa kuti zvikwambo izvi zvakadzoka sei.

“Kwakatanga kuuya Chamuropa musi weChitatu, zvimwe zviviri zvikazotevera kwapera mazuva maviri,” anodaro asina kana nyadzi.

Munyori uno akaedza kutaura nemuporofita ane mbiri muGweru uyu maererano nenyaya ino asi akaramba kuita hurukuro neKwayedza.

Denhere anoti gore rapera akambofunga kusiya mabasa akaipa nekutendeuka kukereke inotungamirirwa nemuporofita uyu apo pakatorwa zvikwambo zvake.

Anoti vanamati vechechi yemuporofita uyu ndivo vakaenda kwaari vakatora zvikwambo zvake vachiti vainopa mukuru wavo kuti azviparadze nekuzvipisa.

Tsikamutanda Denhere anoti akazokatyamadzwa apo akanzwa kuti zvikwambo zvake zvakange zvisina kupiswa uye akange oshaya hope nerugare mukurarama kwake izvo zvazoita kuti ati zvidzoswe.

Denhere anotizve akazodzokera kumuporofita uyu achida kudzoserwa zvikwambo zvake kuti azvipise iye mbune asi hazvina kufamba saizvozvo.

“Pese pandaiedza kutaura nemunhu waMwari uyu aingonditi ane zvakamubata izvo zviri kumutadzisa kutaura neni,” anodaro Denhere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey