Uncategorized

Zvikoro zvekuManicaland zvotendw

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Zvikoro zvekuManicaland zvotendw Cde Mandi Chimene

Kwayedza

Cde Mandi Chimene

Cde Mandi Chimene

Rumbidzo iyi yakaitwa nemusi weChishanu svondo rapera kwaMutare negurukota reHurumende rinomirira dunhu reManicaland, Cde Mandi Chimene, pakuparurwa kwemibairo yeManicaland Provincial Merit Awards.ZVIKORO zvemudunhu reManicaland zviri kurumbidzwa nekushanda kwazviri kuita nesimba izvo zviri kuona zvichikunda zvimwe muZimbabwe yose pakubudirira kwevana pabvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level.

Dunhu reManicaland ndiro rine chikoro cheChancellor Junior School icho chakakunda zvimwe zvose munyika pabvunzo dzeGrade 7 dzegore rapera. Mupurovhinzi imwe chete ino zvakare ndimo mune St Faith High School iyo yakakunda zvikoro zvose zvemuZimbabwe pakupasa bvunzo dzeO- neA-Level.

Cde Chimene vanoti vanofara zvikuru nebudiriro iri kuitwa nezvikoro iyi.

“Kudzidza mabhuku kwakanaka chaizvo, saka naizvozvo ndinotenda vadzidzisi, vakuru vezvikoro pamwe nevabereki nezvakanaka zviri kuitwa muno muManicaland,” vanodaro.

Vanoti kusimukira munyaya dzefundo kunorevawo kubudirira kwenyika.

“Kusimudzirwa kwedzidzo kubudiriria kwenyika zvakare. Kuti zvinzi nyika ine vanhu vakafunda ibasa rinoitwa nevadzidzisi naizvozvo zvinofanirwa kutendwa. Ibasa guru rine vadzidzisi nevose avo vari mubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari,” vanodaro Cde Chimene.

“Tinofanirwa kufambirana nenguva neruzivo rwechimanje-manje muzvikoro nekushandisa zvakaita semakombiyuta zvinova zvinosimudzira nyika asi ruzivo urwu rwunoda kushandiswa nemazvo nehungwaru.”

Mashoko avo akatsinhirwa nemukuru wedzidzo mudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vachiti vacharamba vachishanda nesimba nedonzvo rekusimbaradza budiriro iripo munyaya dzedzidzo.

VaEdward Shumba

VaEdward Shumba

“Iyi nzira yekuratidza vamwe vezvimwe zvikoro kuti ngatifambei pamwe munyaya dzemabhuku. Zvakare vasina kuwana mibairo nhasi vanofanirwa kushanda nesimba,” vanodaro.

Vanotendawo vabereki mukutsigira kwavari kuita dzidzo yevana vavo.

“Zvataparura maProvincial Merit Awards, tinokurudzira avo vasina kuwana mubairo kuti vadzidze nesimba, mikana iripo. Pamberi nedzidzo, inosanganisira yemabasa emawoko, sezvo iri nhaka inosimudzira nyika,” vanodaro VaShumba

Mubairo mukuru pazuva iri waiva wekombiyuta itsva yakabviswa nekambani huru mune zvenhau munyika, yeZimpapers, inova ndiyo varidzi vebepanhau reKwayedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey