Zvikwata 12 zvemaUnder 12 zvobandana

29 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Zvikwata 12 zvemaUnder 12 zvobandana Munyaradzi Taundi

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA 12 zvenhabvu zvemazera eUnder-12 zvichatatsurana nemusi weMugovera svondo rino mumutambo weMr Kuyamurana U12 Birthday Championship kuStodart Hall kuMbare, muguta reHarare.

Zvikwata zvichauya kuzokwikwidza pamutambo uyu zvichabva kunzvimbo dzakaita seBudiriro, Highfields nekuWaterfalls.

Mutambo uyu uri kurongwa nekambani yeKuyamurana Furniture iyo iri kuita basa guru rekusimudzira nhabvu yevechidiki munzvimbo yeMbare pamwe chete nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki.

Mutungamiri weKuyamurana Furniture – Munyaradzi Taundi – uyo achange achipemberera bhavhadhe rake zuva iri, anoti kuti nhabvu yemunyika inyatsosimba zvakakosha kuti matarenda evechidiki asimudzirwe.

“Nhabvu yedu kuti isimbe, tinofanirwa kubika vechidiki topota tichivarongera mitambo yakasiyana yekuti vanotamba uye toita tichishevedza varairidzi vanouya vachitarisa vatambi ava. “Tiri kukoka masangano akasiyana kuti auye tibatane pamwe chete mubasa iri rekusimudzira vechidiki,” anodaro Taundi.

Anoti chimwe chikonzero chiri kuvatuma kusimudzira nhabvu yevechidiki, kurwisa kushandiswa kwezvinodhaka izvo zviri kukanganisa remangwana revechidiki vakawanda.

“Kune vechidiki vazhinji vane zvipo zvenhabvu asi matarenda aya ari kuenda mudondo nekuda kwezvinodhaka, zvinorwadza kuona vana zvipo zvavo zvichiparara nekuda kwezvinodhaka.

“Shuviro yedu kuona vana vasingakanganiswe nezvinodhaka uye zvinodhaka izvi zvibviswe munharaunda dzedu dzatinogara.

“Tikatarisa vana vakawanda, tinonzwa tsitsi nezvavari kuita nekuda kwekutora zvinodhaka. Saka isu tiri kushanda kuti tivadzoreredze mugwara chairo vagoenderera mberi nehupenyu hwavo vakachena vasingakanganiswe nekuda kwezvinodhaka,” anodaro Taundi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey