Zvikwata zvepsl zvakanwisa ka502

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Zvikwata zvepsl zvakanwisa ka502

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVIKWATA zvose zvaikwikwidza mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League uchangobva kupera zvakanwisa ka502 kubva mumitambo 480 yakatambwa mwaka uno. MuPSL manga muine zvikwata 16 uye chikwata chega-chega chakatamba mitambo 30. Chikwata cheFC Platinum ndicho chiri pamusoro pezvese sezvo chakanwisa ka52 mumitambo yacho.
Platinum inoteverwa neTriangle United iyo yakanwisa ka46 kozoti shasha dzePSL 2015 Chicken Inn yakanwisa ka45. Muongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino zvakaonekwa kuti mwaka uchangopera uyu kunwisa kwezvikwata zvemuPSL kwakange kwakaderera sezvo mugore ra2014 pane zvakakwikwidza zvose zvakanwisa ka526.

Izvi zvinorakidza zvikuru kuti vatambi vekumberi havasi kutamba zvinonwisa mvura sezvavanotarisirwa kunge vachiita nekuti kukura kwenhabvu kunoonekwa kana zvikwata zvichidarika nhorowondo iyo zvinenge zvakanyora mwaka unenge wakadarika.

Mwaka uno, mutambi weHighlanders Knox Mutizwa ndiye akahwina mubairo weGolden Boot uyo akanwisa ka14 kubva mumitambo 17 yaakatamba.
Mutizwa akatora mubairo weTop Goal Scorer uyo wanga una Charles Sibanda weHighlanders naKuda Musharu weHow Mine avo vakahwina mubairo uyu vanwisa ka12 mwaka wa2014.

Mugore ra2012, Nelson Mazivisa weShabanie Mine akanwisa ka18 muPSL uye muna 2013, Tendai Ndoro weChicken Inn akanwisawo ka18.
Asi iye zvino vatambi vari kutamba muPSL vari kutatarika zvikuru kudarika Mazivisa naNdoro.

Tichitarisa mitambo yemamwe maligi ari kuEurope parizvino mumitambo yeBarclays Premier Soccer League, zvikwata zvese zvakwanisa kunwisa ka395 kubva mumitambo 320 yemuEPL.
Chikwata chega-chega parizvino chatamba mitambo 16.

Chikwata cheLeicester City icho chiri kutungamira muEPL, chakwanisa kunwisa ka34 kubva mumitambo 16 chete yacho.
Izvi zvakakundikana kuitwa nezvikwata zvizhinji zvemuPSL zvinosanganisira CAPS United (29), Harare City (29), How Mine (28) neHwange (32).

Zvimwe zvikwata zviri kutungamira pakunwisa kuEngland zvinoti Manchester City iyo yakagara pechitatu palog yanwisa ka32 kozoti Arsenal neEverton izvo zvakakwanisa kunwisa ka29.

Mumitambo yekuGermany Bundesliga, parizvino zvikwata zvese zvakanwisa ka410 mumitambo 320.
Chikwata cheBorussia Dortmund chanwisa ka46 kozoti Bayern Munich 45 neBorussia M’Gladbach 31, zvinova zvimwe zviri kutungamira.
Zvakadaro, zvakatorera Mutizwa mitambo 17 kuti anwise ka14 sezvo pakatanga makwikwi ePSL ainge akakuvara.

Mumitambo yeEPL, zvatorera Jamie Vardy weLeicester City mitambo 16 kuti anwise ka15 kozoti kuGermany Bundesliga zvatorerawo mutambi weBorussia Dortmund Pierre-Emerick Aubameyang mitambo 16 kuti anwise ka18.

Muhurukuro nemurairidzi weHarare City, Taurai mangwiro, anoti zvinosuwisa zvikuru kuti vatambi vemuno vari kutatarika kunwisa zvakadai.
Mangwiro anoti iyi inyaya inofanirwa kugadziriswa nekuchimbidza uye vari kushanda zvakasimba nevatambi vavo kuti vatambe nhabvu seinotambwa nevekunze kwenyika.
“Hazvifadze kana tichizvitarisa hatingati Top Goal Scorer mwaka wese akanwisa ka14 chete, hazvina chiedza chakanaka.

“Vatambi vedu vekumberi havasi kunwisa zvinogutsa uye tinofanirwa kushanda navo zvakasimba kuti nhabvu yedu ive neramangwana rakanaka,” akadaro Mangwiro.
Top Goal Scorer muchikwata cheHarare City kana kuti Sunshine City Boys ndiWilliam Manondo uyo akanwisa kana chete muPSL kozoti kashanu mune mimwe mitambo yakasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey