Zvikwata zvokweshana mupsl

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer Leagu apo zvikwata zvichange zvichikwikwidzana kurwira kuenda pamusoro pelog.

Kubva pamitambo 10 yatambwa kusvika parizvino, chikwata cheChicken Inn icho chinotungamirirwa naJoey ‘Mafero’ Antipas ndicho chiri pamusoro muligi nezvibodzwa 23.

Chicken Inn yakwanisa kuhwina mitambo 7 ndokuita mangange miviri uye ikakundwa mumwe chete.

Svondo rino, Chicken Inn iri kunanga kuHwange uko ichanosangana neHwange FC kuColliery Stadium mumutambo unotarisirwa kunakidza zvekukunda ngoma kurira.

Hwange kubva pamitambo 10 yayatamba, yangokwanisa kuhwina mumwe chete uye ikaita mangange kanomwe ndokukundwa kaviri chete. Mumutambo wayo wekupedzisira, yakaita mangange 1-1 neHarare City.

ZPC Kariba vs FC Platinum

Svondo radarika pakatenderera guwa rekuti Saul Chaminuka akamiswa basa kuZPC Kariba nekuda kwezvikonzero zvakasiyana vamwe vachiti muchikwata ichi mune makakatanwa.

Kariba haisi kunyatsotamba hayo nhabvu seyegore radarika nekuti kubva pamitambo yayo yayatamba yakwanisa kuhwina mitatu ndokuita mangange mishanu uye ndokukundwa miviri.

Gore radarika, zvakanetsa chaizvo kuti ikundwe muligi asi parizvino iri kurakidza kutatarika. Mumutambo wayo wekupedzisira yakakunda Whawha 2-1 ukuwo FC Platinum yakakunda Triangle United 3-2.

Mutambo wezvikwata zviviri izvi uchatambirwa kuNyamhunga Stadium kuKariba unove musha mutsva weZPC Kariba.

Highlanders vs Whawha

Bosso mutambo wayo wekupedzisira yakakundwa neChicken Inn 2-1. Svondo rino Bosso ichange iri pamusha payo paBabourfields apo ichasangana neWhawha FC. Whawha ndicho chimwe chezvikwata zviri kutatarika zvakare muPSl uye chingori nezvibodzwa 8 kubva pamitambo yacho 10 yachatamba.

Whawha inofanirwa kukwiridzira masokisi ayo apo ichasangana neBosso iyo ichange ichida kubvisa marwadzo ekukundwa kwayakaitwa neChicken In svondo radarika.

DeMbare vs Tsholotsho

DeMbare ichasangana neTsholotsho FC nemusi weMuvhuro pazuva rekupemberera Africa Day.

Masvondo adarika, mhepo yakaipa yange yasimuka kuDeMbare zvichitevera kurakashwa kwayakaitwa neChicken Inn 3-0 uye neWhawha 1-0 mumutambo waitevera izvo zvakaita kuti murairidzi wechikwata ichi, Yogi Mandigora, ambotadze kugadzikana.

Pakamboita kakundengendeka kwechikwata zvichitevera mitambo miviri iyi asi chakazosimuka ndokukunda FC Platinum 1-0 mumutambo wakatevera.

Svondo radarika DeMbare yakakunda How Mine 1-0 uye svondo rino ichange ichitarisira kukunda zvakare.

Mitambo

Mugovera

Chapungu FC Vs Flame Lily FC Ascot Stadium

ZPC Kariba FC Vs FC Platinum Nyamhunga Stadium

Buffaloes FC Vs Harare City FC Sakubva Stadium

Hwange FC Vs Chicken Inn FC Colliery Stadium

Svondo

Highlanders FC vs Whawha FC Barbourfields Stadium

Triangle United FC Vs How Mine FC Gibbo Stadium

Dongo Sawmill FC Vs Caps United FC Vengere Stadium

Muvhuro

Dynamos FC Vs Tsholotsho FC Rufaro Stadium

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey