Zvikwata zvorwira Van Persie

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

STOKE ndicho chimwe chezvikwata chakapihwa mukana wekutenga Robin van Persie (32) (ari pamufananidzo) kubva kuFenerbahce. Mutambi uyu anove chizvarwa chekuHolland anonzi ari kuda chaizvo kudzoka kuzotambira nhabvu yake muPremier League uye akataurwa nezvake nezvikwata zvinoti Middlesbrough, West Ham neCrystal Palace.

Asi mari yaanotambira ndiyo iri kumutadzisa kutengwa panguva ino. Boro (Middlesbrough) iri kurakidza kuti inoda kutenga mutambi weHolland uyu apo iri kushanda kuvaka chikwata chayo ichigadzirira kudzoka muPremier League mwaka unotevera.

Van Persie ange achikanganiswa nekukuvara kazhinji asi akakwanisa kunwisa ka16 mumwaka wake wekutanga kuTurkish Super League zvichitevera kubva kwaakaita kuOld Trafford uko kwaakagara kwemwaka mitatu.

Kuenda kwaakaita kuUnited achibva kuArsenal mugore ra2012, kwakakonzera mitauro yakawandisa asi akakwanisa kunwisa ka26 mumwaka wekupedzisira waSir Alex Ferguson apo vakahwina mukombe wePremier League.

Akazokundikana kusvika padanho iri zvakare mumakore akatevera apo airairidzwa naDavid Moyes naLouis van Gaal makore maviri aitevedzana. Akange arakidza kuti anotamba nhabvu zvinonwisa mvura achiri kuArsenal paakanwisa ka132 mumitambo 277 asati atengeswa nemari inosvika 24 miriyoni paunzi

Zvakadaro, Stoke iri kuedza kutenga Saido Berahino kubva kuWest Bromwich Albion uye Crystal Palace iri kudawo kumutenga. — Daily Mail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey