Zvimbokoma zvemagadhi

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
BONGOZOZO pakati pevarume vaviri vanoshanda sevarindi (magadhi) vemakambani akasiyana kuChitungwiza, iro rakamuka mushure mekutadza kunzwisisana, rakazopedzisira raita kuti mumwe atemwe nesimbi mumusoro ndokukuvara zvakaipisisa.

Trymore Chindito (24) wepanhamba 15867 Zengeza 5, achishandira Cain Security pakambani yeLyons iri kuChitungwiza kwakare, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokubatwa nemhosva yekurova ndokukuvadza mumwe wake nesimbi, Nesbart Shambare (43), wekuGuard Alert Security asi achishandira Dairibord, kunzvimbo yeChitungwiza Industries.

Mutongi wedare iri, Yeukai Chigodora, akapa Chindito chirango chekubvisa faindi ye$50 uye kukundikana kwake anozogara mujeri kwemwedzi uzere.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti manheru omusi wa19 Kurume gore rino, vaviri ava vakange vari panzvimbo yekushandira iri pakati peLyons neDairibord apo pakamuka kusanzwanana pakati pavo.

Izvi zvakaita kuti Chindito agumisire atema Shambare nesimbi mumusoro kakawanda ndokubva akuvara.

Hazvina kubuda mudare kuti nyaya yakaita kuti Chindito naShambare vatosvorane yaiva yei.

Shambare akanorapwa kuchipatara uye magwaro ekwachiremba akamurapa kaburitswa mudare seumboo.

Chindito anobvuma mhosva yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey