Uncategorized

‘Zvinhu zvave kugadzikana’

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Zvinhu zvave kugadzikana’ Dr Mangudya

Kwayedza

Africa Moyo
KUWANIKWA kwezvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose kunoratidza kuita zviri nani apo nyika yatarisana nenguva yezororo reKirisimasi zvichitevera matanho ari kutorwa neHurumende nechinangwa chekugadzirisa zvimhingamipinyi zvakatarisana neZimbabwe munyaya dzeupfumi.

Matanho aya anosanganisira kumbomiswa kushanda kwemutemo weStatutory Instrument (SI) 122 of 2017 uye kuwaniswa kwemari yekunze nebhengi guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), kumaindasitiri anogadzira zvinhu zvakaita semafuta ekubikisa nechingwa.

Pamusoro pezvo, kukwira kwakanyanya kwemitengo yezvinhu nguva yadarika hakutarisirwe kuramba kuchienderera mberi apo zvinhu izvi zvinenge zvave kupota zvichiwanikwa zvakawanda.

Gavhuna veRBZ, Dr John Mangudya, vakazivisa izvi pakuparurwa kwegwaro reongororo yakaitwa pamusoro peindasitiri yezvezvicherwa reMining Industry Survey Report muguta reHarare nemusi weMuvhuro uno.

Chinangwa chikuru cheRBZ, vanodaro Dr Mangudya, ndechekuona kuti kukosha kwemari kwachengetedzwa kuitira vatengi nevanogadzira zvinhu, nekudaro izvi ndizvo zviri kuita kuti Hurumende itore matanho anosanganisira kuti kukosha kweUS$ kunge kwakaenzana nemari yemabond pamwe nemaRTGS.

“Kwemwedzi nechidimbu wadarika, mitengo yezvinhu yange isina kugadzikana, asi tinofara kuti zvinhu zvave kugadzikana munyaya dzeupfumi,” vanodaro Dr Mangudya.

“Maona kuwanikwa kwemafuta ezvekufambisa kuchigadzikana uye muzvitoro zvinhu zvave kuwanikwa. Zvinhu zviri kugadzikana uye munguva yezororo, zvinhu zvinenge zvowanikwa zvakanyanya pamusika,” vanodaro.

Dr Mangudya vanoti kazhinji kana zvinhu zvikashomeka, kune katsika kanoitwa nevezvitoro kekuda kubatirira vatengi kuburikidza nekukwidza mitengo.

Kutanga kwemwedzi waGunyana, Hurumende yakatora matanho anosanganisira kuvhurwa kwemaakaundi ekuisa mari yekunze eForeign Currency Accounts (FCA) nevanhu vakazvimirira nevanotengesa zvinhu kunze kuitira kuti vakwanise kutenga zvinhu zvakasiyana vachizviunza muno uye nekuvepo kwemutero we2 percent pakutengeserana kwose kunoitwa pachishandiswa nzira dzemobile money.

Izvi zvakaona mamwe makambani anogadzira zvinhu ave kugadzira zvishoma kana kusaendesa zvigadzirwa zvawo pamusika.

Maitiro akadai akabva atuma Hurumende kuti imbomisa kushanda kwemutemo weStatutory Instrument (SI) 122 of 2017, ndokubvumira vanhu vakazvimirira nemakambani kutenga zvinhu kunze kwenyika kuitira kuti zvisashomeke.

Mamwe makambani akabva atanga kuendesa pamusika zvinhu zvinoshandiswa nevanhu mazuva ose svondo rimwe chete iroro Hurumende payakamisa kushanda kwemutemo uyu, ave kutya kuti vanogona kutorerwa bhizimusi nezvinhu zviri kutengwa kunze, izvo kazhinji zvinouya zviine mitengo yakaderera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey