Uncategorized

Zvinonetsa vatori venhau

31 Aug, 2021 - 15:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ), richitsigirwa neEuropean Union nereIMS Union, svondo rapera vakaita musangano pamasasai nevatori venhau vemapoka akasiyana apo vakanga vachipenengura zvimwe zvipingidzo izvo vanosangana nazvo mukutapa nhau dzine chekuita nechirwere cheCovid-19.

Dr Michael Vere, avo vanova acting epidemiologist kuchikamu chinoona nezveutano kukanzuru yeHarare, vanoti kune mibvunzo yakawanda iri kuvatori venhau pamwe neveruzhinji maringe nechirwere cheCovid-19 uye dziviriro.

“Majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 akangofanana nedzimwe nhomba idzo dzinobaiwa vanhu kuti vadzivirirwe zvimwe zvirwere sechemhetamakumbo, gwirikiti, yellow fever nezvimwe. Saka hapana chitsva.

“Hongu, veruzhinji vachine mubvunzo yekuti majekiseni aya anoshanda here uye kuti zvakakosherei kunobaiwa. Majekiseni aya anoshanda zvakanaka mukudzivirira Covid-19 nekuti muzvipatara muri kuonekwa kuti vanhu vakawanda vari kupihwa mibhedha uye kurasikirwa neupenyu ndevaya vasina kudzivirirwa,” vanodaro.

Munyika muno vanhu vanokodzera kubaiwa majekiseni eCovid-19 ndevane makore anobvira pa14 ekuzvarwa zvichikwira.

“Chirwere cheCovid-19 chemhando yeDelta variant chakaonekwa chiine hukasha hwakanyanya izvo zviri kuita kuti vanhu varware zvakanyanya pamwe nekurasikirwa neupenyu mukati menguva diki, nokudaro kudzivirirwa kwakakosha pane kuzoda kurapwa kana munhu orwara,” vanodaro.

Rimwe gweta remuHarare, VaPaida Saurombe, vanoti panyaya dzekudzivirirwa Covid-19, vashandi havafanire kumanikidzirwa.

“Vashandi vanofanira kubaiwa majekiseni vakasununguka nekuti hakusati kwava nemutemo unosungira izvozvo zvisinei nekuti zvinenge zvakanakira utano hwavo. Vashandi vazhinji vakazonobaiwa majekiseni aya zvisinei nekuti vakanga vasati vagadzirira zvichikonzerwa nemashoko akanga otaurwa kuti pane mikana yekuzorasikirwa nemabasa, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe mashoko azere maringe nechirwere cheCovid-19 uye mitemo yenyika.

Zvichakadaro, Hurumende yakabva mukuzivisa kuti vemachechi vanokwanisa kuenda kunonamata asi ndokunge vakabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 ose ari maviri uye vasingazoungani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey