Uncategorized

Zvinoshandiswa hari

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti hari dzinoshandiswa mabasa akasiyana — mamwe akanaka neakaipa sekuroya. Izvi zvinotevera nyaya yemumwe mudzimai wekuGokwe anonzi kana akanzwa shungu dzekuda bonde, anotanangira hari ari musvo, izvo zvinoita kuti asazoda nemurume wake.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru weZinatha, vanoti mudzimai uyu anogona kunge ari kuitwa mukadzi nezvikwambo zvinogara muhari yaanotanangira.

“Murume uyu akaroodzwa kumudzimai wezvikwambo, mukadzi uyu paanorara nazvo anobva agutswa.

‘‘Asi pekupedzisira mudzimai uyu achauraiwa nezvikwambo izvi pamwe chete nemurume wake sezvo zvisingade kugadzwa kwenguva refu pamunhu mumwe chete zvichida madzimai matsva nguva dzose,” vanodaro.

VaRichard Mombe (58), avo vanotengesa midziyo yechivanhu kuMupedzanhamo, kuMbare Msika, muHarare vanoti hari chishongo chemusha chisingade kushaikwa.

“Kare mudzimai akanga aroorwa chaaitanga kuratidzwa imba yake obva apihwa hari dzekuisa kuchikuva nedzekubikira. Izvo zvinonzi zvaibvisirwa mari yaizodzoserwa kumusha kwake,” vanodaro VaMombe.

Vanoti hari dzinopa chiremerera mudzimba.

“Tine hari dzekupira midzimu nemashavi umo munoiswa doro, dzimwe dzinochengeterwa mishonga yechivanhu nemafuta echidzimai. Asi kune dzimwewo dzinoguma dzave kushandiswa mabasa ehuroyi,” vanodaro VaMombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey