Uncategorized

Zvishavane yanetsa kudunhu reMidlands

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Zvishavane yanetsa kudunhu reMidlands Cde Mavima

Kwayedza

Midlands Bureau
ZVISHAVANE inonzi iri pamberi panyaya dzevanhu vabatwa vaine Covid-19 mudunhu reMidlands uko kune vanhu 151 vakaonekwa vaine chirwere ichi zvikaita kuti patorwe matanho akasimba ekudzivirira kutekeshera kwacho.

Munguva pfupi yadarika, varapi 25 vepaZvishavane District Hospital vakabatwa nechirwere ichi zvikaita kuti chipatara chimbovharwa.

Nyaya dzakawanda dzechirwere ichi dziri kuramba dzichinyuka apo Zvishavane iri pamberi ichiteverwa neGweru ine vanhu 73, Gokwe South (17), Kwekwe (15), Mberengwa (11), Gokwe North( 4) neChirumhanzi ine vanhu vaviri.

Magwaro ebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti dunhu reMidlands rine vanhu 276 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Gurukota rinoona nezvenyaya dzedunhu iri (Provincial Affairs and Devolution) Cde Larry Mavima vanoti zvakakosha kuti vanhu vatevedze mitemo inobatsira mukurwisa Covid-19 kuti isarambe ichitekeshera.

“Iko zvino tava kuona kuti matunhu ose ava nenyaya idzi izvo zvinofanira kutichenjedza kuti tive nemafungiro ari maringe nekuderedza kutekeshera kwechirwere ichi. Tinofanira kuregedza nyaya dzekuungana nekuita zvose zvinodiwa neveutano kuti tizvichingetedze,” vanodaro.

Varapi vashanu vepaGweru Provincial Hospital pari zvino vari kumbochengetwa panzvimbo yavo voga zvichitevera kusangana kwavakamboita nemushakabvu aiva akafanobata chigaro chaMidlands Provincial Deputy Registrar, VaAndrew Mpambo, vanova vakashaya nekuda kweCovid-19 panguva iyo vainge vakapihwa mubhedha muchipatara ichi.

Dr Fabian Mashingaidze, avo vanova Gweru Provincial Hospital medical superintendent, vanoti varapi ava vakamirira zvichabuda mukuongororwa kwavakaitwa utano hwavo nechinangwa chekuti vaonekwe kuti havana Covid-19 here.

“Aya aingova matanho atakaita kuti vange vachivhenekwa asi varapi vanopfeka zvinhu zvinovachengetedza panguva iyo vanenge vachiita basa ravo. Mikana yekuti munhu awanikwe achitapurirwa Covid-19 mishoma, zvikuru kana akazvichengetedza,” vanodaro.

Kushaika kwakaita VaMpambo nemusi weMugovera wadarika kunoita kuti pave nehuwandu hwevanhu vashanu vakarasikirwa neupenyu mudunhu reMidlands nekuda kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey