Uncategorized

Zvishiri zvavharisa chikoro ticha azvambaradzwa

23 Mar, 2022 - 13:03 0 Views
Zvishiri zvavharisa chikoro ticha azvambaradzwa VaGeorge Kandiero

Kwayedza

Samuel Kadungure

KUDZIDZA kwakambomiswa pachikoro cheMutendebvure Primary chiri kwaMakoni nemusi weChipiri svondo radarika mushure mekunge mumwe mudzidzisi weGrade 6 arwiswa nezvinhu zvaaisaona apo aifundisa vana ndokupunzikira pasi.

Pane fungidziro huru yekuti ticha uyu akarohwa nezvishiri izvo zvinoshandiswa nevamwe vanhu mumabasa ane chekuita nehuroyi.

Izvi zvakaita kuti chikoro ichi chimbovharwe kwenguva pfupi kuitira kuti vakuru nemadzishe venzvimbo iyi vawane mukana wekugadzirisa dambudziko iri.

Chikoro ichi chine varairidzi 13, vamwe vacho vakakumbira kubviswa kuti vanoshandira kumwe vachiti upenyu hwavo huri parumananzombe zvichitevera manenji anogara achiitika pamwe neruvengo rwunobva kuvabereki nevamwe vanhu vemunharaunda.

Zvinonzi vabereki nevarairidzi vepachikoro ichi havagarisane zvakanaka sezvo vachingopomerana zvakawanda.

Pane musangano waitungamirwa naSadunhu Ticharwa Nedewedzo wakaitwa pachikoro ichi neChishanu svondo radarika.

Zvakabvumiranwa kuti vabereki vana (mazita tinawo) vadhonzerwe kudare raSadunhu Nedewedzo mushure mekunge vapomerwa mhosva yekukonzera kusagadzikana kwezvinhu pachikoro ichi.

Vabereki vana ava vanonzi vakatumirana mashoko asina kunaka panhare nevadzidzisi vatatu, kusanganisira uyo anonzi akazorwiswa nezvinhu zvisingaonekwe.

Mumiriri weWard 39 kuMakoni Rural District Council, Kanzura Maxwell Chundimu Bhunu, avo vaive mumusangano uyu, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye varairidzi vari kuti vave kuda kubva pachikoro ichi.

Kanzura Bhunu vanoti mudzidzisi akasangana nedambudziko iri anoti akangotanga kunzwa dzungu nekupera simba mumabvi mushure mekunge arohwa mbama panzeve yekuruboshwe nechinhu chaasina kuona.

Murairidzi uyu anonzi akabva adonha pasi mukirasi, izvo zvakatuma vana vaaidzidzisa kuridza mhere vachitsvaga rubatsiro.

Kwayedza yakaziviswa kuti izvi zvisati zvaitika, mukuru wechikoro ichi, VaAbraham Mugodzeri, vakanga vaita musangano nevabereki vevana veGrade 6 ne7 kuti vazivise uye vavatsanangurire danho ravakange vatora rekugadza mudzidzisi uyu kuti adzidzise vana veGrade 6 izvo zvisina kugamuchirwa nevamwe vabereki vaida kuti arambe ari mudzidzisi weGrade 2.

Kunyange zvazvo vamwe vabereki vaipokana nepfungwa iyi vachiti murairidzi uyu aisanyatsoziva basa rake, zvinonzi vatungamiri vechikoro ichi vakaramba vakamira nedanho ravakatora iri.

“Mushure memazuva mashoma, mudzidzisi uyu anonzi akarohwa mbama kumeso nechinhu chisingaonekwi apo aidzidzisa vana veGrade 6. Akanzwa dzungu achibva adonha pamberi pekirasi.

“Vadzidzi vake vakachema vachitsvaga rubatsiro ndokubva atakurwa akaendeswa kumba kwake nevamwe varairidzi avo vakamupa rubatsiro rwefirst aid kuti afefemuke.

“Akazomhanyiswa kuchipatara cheDewedzo Rural Hospital uko akanorapwa ndokuzoburitswa. Asi utano hwake hwakazoderera manheru acho sezvo akange ave kuona zvinhu zvisingaonekwi nevamwe.

“Ave kutatarika pakufamba sezvo gumbo rekuruboshwe rave kuita chiveve uye achivaviwa,” vanodaro Kanzura Bhunu.

“Ange ave kutadza kufamba uye achirwadziwa. Tiri kuedza nepatinogona napo sevatungamiri venzvimbo iyi kuti tibatsire dambudziko iri ripere. Nyaya iyi yakazokwidzwa kudare raSadunhu Nedewedzo,” vanodaro.

VaGeorge Chidhakwa, avo vanove District Education Inspector (DSI) weMakoni, vanoti hapana zvavanoziva pamusoro penyaya iyi.

“Ndiri kuMasvingo kwandiri kuita zvidzidzo zvekuverengwa kwevanhu munyika (census), ndichadzoka kwapera masvondo maviri. Nyaya iyoyo handisati ndainzwa,” vanodaro

Mutungamiri wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiero vanoti pane zvishiri zvinoshandiswa nevanhu vanoita mabasa ehuroyi kukuvadza vavengi vavo.

“Munhu anenge asangana nazvo anogona kutanga kukanganisika mupfungwa mushure mekurohwa nezvishiri zvevaroyi. Zvinhu izvi ndezvechokwadi,” vanodaro.

“Munhu akarwiswa nezvishiri izvi anogona kuvhiringika pfungwa kana kuoma mitezo. Tine vanokwanisa kubatsira, munhu otopora. Asi zvinoenderana nekuti anenge anotsvaga rubatsiro kupi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey