Uncategorized

Zviwanikwa zveZimbabwe

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Juliet Sharon Tom—

NZOU Indlovu/Elephant

NZOU (African elephant) ndiyo mhuka huru pamhuka dzose dzinofamba panyika. Inozivikanwa nemurewo (trunk) murefu, nzeve huru uye nenyanga (tusks) mbiri dziri nechepamuromo.

Ruvara rwenzou rwunonyanya kuendererana nerwevhu renzvimbo yadzinogara, dziine ganda rakaomarara iro risina mvere, kunze kwedziri kupfunha yemuswe (kwakaperera muswe).

Murewo wenzou unonzi muromo wepamusoro wakasusumara zvose nemhuno yacho uye unoshandiswa pakufunhidza nekunhonga zvinhu, kusanganisira pakufura. Ndiwozve unoshandiswa pakufema, kufembedza, kunzwa kutinhira nekunwisa mvura.

Nzou dzose hadzi nerume dzine nyanga idzo dzinoshandiswa pakurwa, pakudya nekuchera. Nekuda kwebasa radzinoshandiswa, nyanga idzi dzinogomara kana kutyoka.

Murewo nenyanga dzenzo ndizvo zvinoshanda pakusveerera mapazi nekutyora miti, izvo zvinokonzera kuparadzwa kwenharaunda.

Mazinzeve enzou anoshanda mabasa makukutu. Nzeve ndidzo dzinoshandiswa kutonhodza muviri munguva yekupisa kwakanyanya. Idzo nzou “dzinotaura” dzichishandisa nzeve. Kumisa nzeve zvinogona kureva kuti mhuka iyi yagumbuka kana kuti iri kufara.

Nzou inokwanisa kunzwa imwe yayo iri chinhambwe che4 km kana 10 km.

Nzou inokwanisa kudya 450 kg pazuva – dzinosanganisira sora, mashizha nezvimiti, michero, maruva emiti, midzi, kana muti wose. Asi pane zvose zvinodyiwa izvi, nzou inozeya chipo che40% chezvayadya.

Nekune rimwe divi, nzou dzinobatsira pakuchengetedza nharaunda. Nekuti dzinodya michero uye dzinofamba nzendo refu, padzinoita ndove dzinenge dzichitoparadzira mhodzi dzemiti, uye kuchera kwadzinoita kunofukunura zvisipiti zvemvura muvhu. Ndiyo mvura inozonwiwa nedzimwe mhuka.

Nzou inogona kurema matani matanhatu (6 tonnes) kana kudarika ichireba mamita mapfumbamwe. Rume dzacho dzinokura kudarika hadzi, idzo dzinotungamira pakufamba.

Nzou dzinowanzogara semhuri – hadzi dzingasvika gumi nevana vadzo (mhuru) – dzichitungamirirwa nehuru pane dzose. Panowanikwawo rume dzemazera akasiyana.

Nzou dzinonyanya kuita vana dzava nemakore 25 kusvika 45. Nzou inobereka mhuru mushure mekuita mimba (zamhu) kwemakore maviri (24 months) zvichienderana nekuti yakatakura mhuru rudzii – rume kana kuti hadzi.

Mhuru yenzou inochengetwa naamai vayo nechikwata chedzimwe hadzi, uye mhuka idzi dzinoita kunge vanhu – dzinochengeta kana kuti kuriritira imwe yadzo kana yakuvara, dzotoita “mariro” ndokunge yafa.

Nekuti nzou haina hanganwa, dzinoyeuka dzimwe dzadzo dzakafa, shamwari kana mhandu.

Nzou dzinonzi imhuka dzine njodzi kuvanha. Naizvozvo hadzifanirwe kuvhundutsirwa kana dai dzasvika kuvanhu kana kuminda. Veruzhinji vanokurudzirwa kuzivisa veParks and Wildlife vari pedyo kana vaona nzou kunzvimbo dzadzisingatenderwe kuva.

MuZimbabwe, nzou imhuka inochengetedzwa. Izvi zvinoreva kuti hadzitenderwe kuvhimwa zvisiri pamutemo nekuti kuita izvi kunosungisa, musungwa okandwa mujeri.

 

l Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

The Complete Book of Southern African Mammals – Gus Mills and Lex Hes

Signs of the Wild – Clive Walker

Field Guide to Larger Mammals of Africa – Chris & Tilde Stuart

 

l Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey