Uncategorized

– Zviwanikwa zvezimbabwe –

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Juliet Sharon Tom—

 

FURA/CHIPEMBERE

Umkhombo/White rhinoceros

CHIPEMBERE chinodaidzwa kunzi fura paChiRungu chinonzi “White rhinoceros” kana kuti “square-lipped rhinoceros” nekuda kweruvara nemamiriro akaita muromo wacho.Fura chipembere chine ruvara rwakapfumburuka zvekuda kuita chichena. Ganda remhuka iyi harina mvere, kunyange zvazvo richinyanya kutoredzera kuvhu repainogara sezvo ichifarira kuumburuka mumadhaka nemuguruva.

Musiyano wechipembere ichi nechitema (black rhinoceros) uri pakuti fura ine musoro mukuru, inowanzoda kugara yakadzikisa musoro wayo pedyo nevhu iine nyundwa yakakura. Mutsipa wechipembere ichi mupfupi kana uchienzaniswa newechitema.

Pahuma pefura pane nyanga mbiri – refu nepfupi – idzo dzinogadzirwa nekeratin, uye yekumberi iri refu. Fura hadzi dzinoshandisa nyanga idzi kuchengetedza mhuru, asi rume dzinodzisevenzesa pakurwa nekurwisa mhandu.

Nzeve dzacho ihombe dzakati twi kumira.

Kana chava chikuru, mhando yechipembere ichi chinoreba 1.8m pamakumbo emberi — pachityu — chichirema 2 000 kusvika 2 300kgs. Zvikadzi zvinorema 1 400 kusvika 1 600kgs.

Zvisinei nekukura kwazvakaita, zvipembere izvi zvinomhanya zvikuru — 40km/hr pachinhambwe chipfupi. Mhuka iyi inotendeuka nyore, pachinhambwe uye chinzvimbo chidiki.

Fura inonyanyofura huswa kana kuti sora pfupi asi inogonawo kufura huswa hwakareba. Ndizvo zvinoita kuti mhuka iyi inyanyogara munzvimbo dzine huswa nezvimiti uye muchiwanikwa mvura.

Chipembere imhuka ine chipo chekunzwa nekufembedza hwema (mweya) asi maziso acho haanyatsoona zvakanyanya. Pakutsvagana, mhuka iyi inoronda hwema hwedzimwe.

Fura inowanzoda kuswera yakahwanda kupisa kwezuva mumumvuri, yozofura mangwananani, zuva rorereka kana husiku.

Chipembere ichi chinoita zamu chava nemakore 6 kana 7 asi zvirume zvinotanga kutevera mhou dzacho zvava nemakore 10 kana 12.

Zamu refura rinotora mwedzi 15 kana 16 kuti ribarwe mhuru imwe chete iyo inorema 40 and 65 kgs. Mhuru iyi inozorumurwa kwapera makore matatu uye inozivikanwa nekufamba iri mberi kwaamai vayo nguva zhinji – izvo zvisingaitwe nemhuru ye”Black rhinoceros”.

Ichi chipembere chakadzikama pane chimwe chacho — fura haikasike kurwisa kana kugumbuka. Zvisinei, nekuda kwekuti chipembere ichi chinofarira nzvimbo dzine huswa husina kunyanya kureba, chiri panjodzi yekuvhimwa nembavha.

Mhando yechipembere ichi inochengetedzwa zvakanyanya nekuti zvishomanana muZimbabwe. Hazvitombotenderwa kuvhima mhuka iyi naizvozvo anobatwa achiita izvi kana kuti aine nyanga yacho anopotserwa mujeri opika.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuchengetedza mhuka iyi pamwe chete nedzimwe mhuka kuitira kuti zvizvarwa zvamangwana zvigokwanisawo kuzodziona.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

The Complete Book of Southern African Mammals – Gus Mills and Lex Hes

Field Guide to Mammals of Southern Africa – Chris and Tilde Stuart

 

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey