Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe –

Kwayedza

Juliet Sharon Tom
Shona:                  HUNGWE

Ndebele:              Inkwazi

English: African Fish Eagle

HUNGWE ishiri hombe iyo iri mumhuri yegondo, muZimbabwe neAfrica ichizivikanwa zvikuru nemuririro wayo.

Shiri iyi ine ruzha, “inozvinzwa”, izvo zvinoita kuti nyika dzakawanda muAfrica, kusanganisira Zimbabwe, dziiti ndiyo shiri yenyika. Vanhu vane chidao cheHungwe ndivo vaera Shiri.

Hungwe ine makushe akatsvukuruka muviri wayo asi mapapiro akasvibira kana kuita matema nemusoro nebesu zvichena. Inowanzoda kugara pedyo nepane mvura yakawanda senzizi kana madhamu.

Inoda kumhara pamusoro pemiti mikuru iri kumahombekombe kwemadziva apo inoitira dendere rayo. Iri mumiti imomu, ndimo mainoona hove dziri nechepamusoro pemvura, yobhururuka nekukasika ichinobata hove nechisimba nenzara dzayo refu uye dzakapinza.

Kana zvazvo pachiRungu ichinzi “fish eagle”, hazvireve kuti Hungwe inorarama nekudya hove bedzi sezvo ichidyawo dzimwe shiri, mazai, many’ana nekubvuta zvinenge zvabatwa nedzimwe shiri. Inofarira kuvhima mangwanani, yoswera yakamhara mumiti.

Hungwe dzinowanzogara dziri mbiri uye inoshandisa dendere rimwe chete pose painokandira mazai maviri kana matatu ayo anokandirwa mumazuva akatevedzana. Inorarira mazai kwemazuva 42 kusvika 45.

Many’ana eHungwe anokwanisa kubhururuka achibva mudendere mushure memazuva 65 kusvika 75 abva mukuchechenywa.

Hungwe inonyanyodiwa kunyanya nevaya vanofarira kuona shiri uye dzinowanikwa muZimbabwe yose zvayo.

Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Roberts’ Birds of Southern Africa – G.L.Maclean

The Birds of Zimbabwe – M.P. Stuart Irwin

 

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey