Uncategorized

Dr Parirenyatwa huyai: Muporofita wemazino

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Dr Parirenyatwa huyai: Muporofita wemazino

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA wekuChitungwiza uyo ari kudzura varwere mazino kumasowe kwake musango achishandisa mawoko pasina dziviriro yekutapurirana hosha, anoti haana chekuvanza uye vebazi reutano, kusanganisira gurukota rebasi iri – Dr David Parirenyatwa – vanogona kunoona mashandiro ake.

Madzibaba Elias Gomwe (41) vechechi yeJohane Masowe weChishanu vakabuda muKwayedza svondo rapera apo vaidzura varwere mazino pasina dziviriro yekutapurirana zvirwere yakaita sekupfeka magirovhosi.

Munyaya iyi, muporofita uyu akati pagungano ravakaita kuMarondera nguva ichangodarika, akadzura varwere 60 mazino pazuva rimwe chete.
Kubuda kwenyaya iyi kwakaita kuti vamwe vanhu vagunun’une vachiti murume uyu ari kuparadzira zvirwere pamwe chete nekuisa varwere panjodzi.

Asi Madzibaba Elias svondo rino akaudza Kwayedza kuti kubvira kubuda kwakaita nyaya iyi, vanhu vari kuwanda zvikuru kumasowe vachida kubviswa mazino.

Vanoti gurukota rebazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Parirenyatwa, “vanogona kuuya kana kutumira vamwe vashandi vemubazi ravo kuti vaone” mabvisiwo avanoita varwere mazino.

“Sowe inzvimbo yakaropafadzwa naMwari, isingafanirwe kuwanikwa chakaipa. Saka kudzura mazino uku panguva yakunenge kuchiitwa ndinoda kuti vauye zvavo, kunyangwe ivo chiremba mukuru Dr Parirenyatwa, vazvionerewo. Kurapa kwemweya kwakasiyana nekurapa kwenyama,” vakadaro Madzibaba Elias.

Madzibaba Elias vanoti vari kuita basa ravo nesimba raMwari uye zvine hunyanzvi kudarika machiremba akadzidzira basa iri.
“Kana ivo machiremba emazino vakarwadziwa nemazino ngavauye ndivabvise vagutsikane. Tsono dzavo hamheno nezvimwe zvekudzurisa hazvikwane pana Mwari,’’ vanodaro Madzibaba Elias.

Vanotizve havaone chakaipa nebasa ravari kuita rekubvisa varwere mazino pasina dziviriro yekutapurirana hosha. “Sowe rangu munhu waMwari (kureva mutori wenhau) rave kuzara nekuda kwevarombo vari kuuya vachibviswa mazino pachena nekuti humambo hwekudenga ndehwavo. Nyika haina mari mukuru wangu, saka regai vanhu vabatsirwe pachena. Zvevamwe vanoti hapana utsanana izvo kuona kwavo nemaziso enyama.”

“Mambo Jesu zvavakamutsa Razaro uyo aiva nemazuva afa vakapfeka magirovhosi here? Ini ndikapfeka magorovhosi nesimba randakapihwa kureva kuti ndiri kusema Mwari vakandipa simba iri. Handina kuzviendera kuchikoro, machiremba emazino vanoenda kuchikoro makore mana kana kudarika, ini ndakapihwa ruzivo naMwari,” vanodaro.

Zvakadaro, nyanzvi dzezveutano dzinoti zviri kuitwa nemuporofita uyu hazvina utsanana uye zvine njodzi yekutapurirana zvirwere sezvo ari kudzura vanhu mazino nemawoko ake pasina kushandisa midziyo yakakodzera. Kwayedza haina kubudirira kutaura naDr Parirenyatwa nezvemuporofita uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey