DeMbare, Bosso vorwira Uhuru Cup

18 Apr, 2024 - 21:04 0 Views
DeMbare, Bosso vorwira Uhuru Cup Genesis Kaka Mangombe

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHATSVA demo kugosara mupinyi nemusi weChina chino pachikoro cheMurambinda B High School, kuBuhera apo makara asingaonane — Dynamos FC neHighlanders — zvichabandana mumutambo weIndependence Cup.

Aka kachange kari kechipiri zvikwata zviviri izvi zvichitatsurana mukati memasvondo mashoma zvichitevera kusangana kwazvakaita mumutambo wePremier Soccer League pazuva reMatch-day One apo pakaona Bosso ichikunda DeMbare 2-1.

Bosso iri kupinda mumutambo uyu iine mukombe weUhuru Cup uyo yave nemakore akawanda ichingohwina.

Gore radarika, Bosso yakasimudza mukombe uyu apo yairairidzwa naBrito mumutambo uyo yakazohwina 5-3 kumapena mushure mekunge wapera uri mangange 0-0 kuMt Darwin.

Muna2022, Highlanders yakahwina zvekare mukombe uyu apo yakakunda DeMbare 1-0 kuBabourfields, kuBulawayo.

Kelvin Kaindu

Murairidzi weBosso – Kelvin Kaindu – anoti mitambo yechikwata chake neDeMbare yagara inonetsa zvikuru sezvo pasina vanoda kukundwa.

“Parizvino zviri kufamba zvakanaka, saka tiri kufambira Independence Cup uye kune zvakawanda zvatiri kuenda kunorwira.

“Mumitambo yeHighlanders neDynamos, hatitarise matambiro atinenge tichiita panguva iyoyo. Mutambo wagara uchingobaka.

“Hatidi kufunga zvakawanda pamusoro pematambiro avari kuita. Tinoziva zvavanogona kuita.

Tinongovimba kuti tinoramba tine morari yatinayo iye zvino tirambe tichienda mberi,” anodaro Kaindu.

Kuchiti nekune rimwe divi, murairidzi weDeMbare — Genesis ‘Kaka’ Mangombe — anoti chikwata chake chicharwa semvumba kuti chigohwina mukombe uyu kuitira kuti chisimudze morari sezvo kusvika parizvino chisiri kunyatsotamba zvakanaka muPSL.

“Zvagara zvakakosha kutamba mutambo uyu. Gore radarika, takakundwa neHighlanders asi gore rino tinofanirwa kuhwina kunyangwe zviite sei.

“Kana tikahwina mukombe uyu, zvichatisimudza morari sechikwata apo tinenge takatarisana nemimwe mitambo yedu inotevera,” anodaro Mangombe.

Share This:

Sponsored Links