2023: Dzakaita mukurumbira

23 Dec, 2023 - 10:12 0 Views
2023: Dzakaita mukurumbira Vanhu vakatakura Mai Mapingure

Kwayedza

GORE ra2023 rasvika kwamvura yacheka makumbo uye Kwayedza inokupai dzimwe dzenhau dzayakaburitsa idzo dzakaita mukurumbira mugore iri muchidimbu.

NDIRA

Obatwa nemweya wemunhu akapondwa:

MUDZIMAI wemubhuku raMubobo, kuDema kwaMambo Seke, anoti ari kuingwa nechipoko chemunhukadzi anenge ari marangwanda oga-oga achitaura kuti anoda kuti amuperekedze kumusha kwake kuLilongwe, kuMalawi, kuti anovigwa nehama dzake.

Mai Tambudzai Mapingure (38), avo vanoita basa rekupwanya matombo ekuvakisa vachitengesa, vanoti izvi zvakatanga vari kubasa vachipunza matombo nevamwe vavo apo vakaerekana vava kunzwa izwi richitaura.

KUKADZI

Vodyirwa tuvana tuchiri mudumbu:

KUNE madzimai vepapurazi rakagariswa vanhu patsva reDunstan riri kudunhu raMambo Rusike, kuGoromonzi pedyo nemaruwa ekwaSeke, vakatarisana nedambudziko rekubva pamuviri apo panonzi panongoerekana patsakatika zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nemabasa ehuroyi.

Dambudziko iri rinonzi ratora makore akawanda richiitika zvakonzera kuti mamwe madzimai nevarume vavo vatize munzvimbo iyi nekutyira kuti vanogona kutadza kuita vana nekuda kwekunyangarika kuri kuita mimba dzemamwe madzimai.

KURUME

Aiwa, basa rabatwa . . . Madzimai aita zvikukutu kumitambo:

MUSI weChitatu chino pasi rose rakapemberera zuva reInternational Women’s Day, iro rinocherechedzwa kukosha kwevanhukadzi nekuda kwemabasa avo.

Kwayedza yatora mukana uyu kupemberera nemamwe madzimai aita zvinorova mune zvemitambo.

Dr Kirsty Coventry:

Dr Coventry

Gurukuota revechidiki, mitambo nekutandara – Dr Kirsty Coventry igamba mune zvemitambo muZimbabwe nepasi rose. Dr Coventry vasati vagadzwa kuve gurukota reHurumende, vakaita shasha yekutuhwina izvo zvakavaona vachitora menduru dzegoridhe dzakawanda kumitambo yepasi rose yemaOlympics mumakore anoti 2004 na2008 uye nemimwe yakawanda inosanganisira All Africa Games nemaWorld Championships.

KUBVUMBI

Chivanhu nechechi zvorwira muti ‘wevaroyi’:

VAGARI vemubhuku raTangwena, kwaMambo Makumbe, kuBuhera, neimwe chechi yechipositori yeko, vari kutsvukisirana maziso pamusoro pemuti wemutsamvi uri pakati pemusha uyo uri kunzi wakangowa zvisonganzwisisike.

Muti wemutsamvi wakadonha uri kurwirwa

Muti uyu unonzi unoshandiswa nevemumusha uyu kuitira chivanhu, vamwe vachitiwo ndipo zvakare panoungana varoyi kana vachienda kana kuti vachidzoka “kunoshava” husiku.

CHIVABVU

Vana 8 vodya nhoko dzezvironda . . . havana kana chavainacho:

VANA vasere vanogara mubhuku raMhasvi, kwaMambo Masembura, kuBindura, vari kudya nhoko dzezvironda zvichitevera kusiiwa kwavakaitwa naamai vavo mumaoko emwanasikana wemhuri iyi ane makore 20 okuberekwa uyo ane wakewo mwana.

Agness Jumbe

Vana ava vose vari vasere vane makore ari pasi pe12 okuberekwa uye hapana ari kuenda kuchikoro.

Agnes Jumbe (20) anoti vanorarama nekuita maricho nekupemha izvo zvinopa kuti dzimwe nguva vaswere pamwe nekurara nenzara.

CHIKUMI

Mhuri inofa vakomana bedzi:

MHURI inogara mubhuku raUruru, kwaMambo Chikwaka, kuGoromonzi, inoti dzinza rayo rinogona kuparara zvichitevera mafiro ari kuita vanakomana vedzinza iri.

Munyaradzi Bafu

Mhuri ine dambudziko iri ndeye kwaUruru, avo vanova ndivo vane husabhuku hwemusha uyu.

Mutevedzeri waSabhuku Ururu, VaBafu Munyaradzi (36), vanotsinhira nyaya iyi vachiti firo yevanakomana vemudzinza ravo inoshamisa.

CHIKUNGURU

Makauraya Tapiwa saka munokodzera kufawo: Court

Mushakabvu Tapiwa Makore

MHONDI mbiri, Tafadzwa Shamba (40) naTapiwa Makore Snr (60), avo vakaponda mwana wekwaMurehwa, Tapiwa Makore (7) makore matatu adarika vatongerwa rufu nedare guru reHigh Court nhasi.

Mutongi wedare Justice Munamato Mutevedzi vati hakuna mumwe mutongo wekudeura ropa raTapiwa Jnr kunze kweropa revaviri ava, nokudaro vanofanirwa kufa.

NYAMAVHUVHU

Mwana (14) orutsa reza, tsono nemarata ane ngura:

Marata nemabhodhoro zvinonzi zvakarutswa naEneresi Isheunesu Kugweredza

MWANA musikana ane makore 14 okuberekwa anogara mumusha weSt Marys, kuChitungwiza, ane dambudziko rinoshamisa sezvo achinzi ari kurutsa zvinhu zvinosanganisira reza, mabhodhoro nemarata matsaru izvo zvamukonzera kutadza kuenderera mberi nechikoro.

Zvimwe zvinhu zviri kurutswa nemwana uyu zvinonzi zvimedu zvendiro dzedhaka, matombo netsono.

Dambudziko iri rinonzi rakatanga munaNdira gore rino apo aive kumusha kwaMutoko naambuya vake.

Eneresi Isheunesu Kugweredza anoti mudumbu make munongotanga kurwadza zvakanyanyisa apo anenge achitemwawo nemusoro nekupera simba, obva atanga kurutsa zvinhu izvi.

GUNYANA

Kapfupi aendeswa kun’anga ne’mamhepo’. . .:

Kapfupi ari mudare ren’anga akabata ndiro yemuti ine mari yaakapihwa nevanhu vaivepo. – Mufananidzo naKingstone Mapupu

SHASHA yemadhirama ari zvekare muimbi ane mukurumbira, Freddy “Kapfupi” Manjalima wechikwata cheExtra Ndozvo nemhuri yake vakawanikwa vari kun’anga neChipiri chino muguta reHarare vachiti vari kubatsirwa kubviswa mamhepo ari kuvatambudza zvakanyanya.

Kapfupi akawanikwa ari mudare ren’anga iyi aine mudzimai wake, Precious “Mai Ngaa” Kabrito, nemwanakomana wavo uyo akangozivikanwa saDread.

GUMIGURU

Mwana (16) apondwa atizira mufundisi:

Karen Sibanda

 

MUTUMBI wemwanasikana aiita Form 4 paNembudziya Secondary School, kuGokwe – uyo akafa nekupondwa pachechi iri kuEpworth – wakaita masvondo matatu vanhu vachiramwidzana, ndokuzogumisira waendeswa kudare raSadunhu Nembudziya kuti mhuri dzigadzirisane.

Mutumbi waKaren Sibanda (16) wakapedza masvondo matatu uri kumochari kuHarare apo vabereki vemwana uyu vaida kutanga varipwa kuti uzonomuvigwa kumusha kwavo kwaNembudziya.

MBUDZI

Mambo anzi adzose mombe, US$1,2k:

Mambo Nyamaropa

DARE reBindura Civil Court rati Mambo Nyamaropa vadzosere mombe neUS$1 200 izvo zvakatorwa nechisimba kune mumwe mudzimai wemudunhu ravo, mushure mekunongedzerwa pfuti, semendenenzi yekuchengeta vana vemukadzi wechipiri wemurume wake.

Chitunha chasiiwa chakayanikwa pakati pesango:

Dara rakaiswa mutumbi waMbuya Ruwina Chatsomoka

MUNYAYA inoshamisa, mutumbi wechembere yaisvikirwa nemudzimu unonzi wainaisa mvura kuKamutsenzere, kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin, wakanosiiwa musango reko nehama dzepedyo kuti uwore, wotanga wadyiwa nehonye setsika yavo, marangwanda anenge asara ozonovigirwa kunyika yeMozambique.

Pakasvika Kwayedza kunzvimbo iyi neMugovera wadarika, mutumbi uyu wainge wava nemazuva matatu uri padara remapango uye wainzi hauna kudyiwa nezvikara zvesango kana nemagora ayo akawanda uku.

Mushakabvu Mbuya Ruwina Chatsomoka (101) vaisvikirwa nemudzimu waKamuziwo Chawora, uye vaizivikanwa nekunzi aMvura nenyaya dzekunzi vainaisa mvura.

ZVITA

Chitunha chakachema, chikasvimha misodzi:

Edmore Karembera

VAGARI vemukomboni yepapurazi reGlen Luce kana kuti Green riri kuNorton, pasi paMambo Nyamweda, vakasara vasina neremuromo zvichitevera nyaya yechitunha chemwana wemakore matatu okuberekwa icho chiri kunzi chakatanga kuchema chichiyerera misodzi, ndokukosora chichiburitsa izwi zvakajeka apo chaiva chava kuda kuburitswa mumba kunovigwa.

Mutumbi wemwana musikana anonzi akachema nekukosora ndewaJesca Karembera (3).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey