Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
Tsapata rukukwe hazvienzani nokuvata pasi.
Zviri nani kuve nechinhu chekushandisa chakashoreka pane kunge usina zvachose
Zvekuita:
Chii chinonzi tsapata?
Mhinduro: Tsapata rukukwe kana kuti bonde rasakara.
* * *
Svondo rino:
Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori.
Tsumo iyi inoreva vanhu vanoti havaite zvimwe, asi kana vave voga pasina ari kuvaona voita zvinhu zvacho.
Zvekuita:
Chii chinonzi machikichori?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007