Nhoroondo yeParirenyatwa Hospital

21 Mar, 2024 - 20:03 0 Views
Nhoroondo yeParirenyatwa Hospital Chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NHOROONDO yechipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals inobva panguva yakauya vachena munyika muno mugore ra1890 apo guta guru renyika ino rainzi Salisbury munguva yeRhodesia zvikabva zvaita kuti chipatara ichi chitumidzwe kuti Salisbury Central Hospital.

Chinonzi chakavambwa mugore ra1890 nehurumende yevachena uye pakazosvika 1963, kwakazovakwa mimwe mipanda yakawanda pachipatara ichi ndokuzova Salisbury Group of Hospitals.

VaLinos Dhire, avo vanova mukuru kuchikamu chinodyidzana neruzhinji pachipatara ichi, vanoti kubva mugore ra1963 apo chakasandurwa kunzi Salisbury Group of Hospitals, chakabatanidza chipatara chikuru cheSalisbury Central Hospital, Lady Chancellor Maternity Hospital, Princes Margaret Hospital neAnnexe Hospital.

Kuvakwa kweAndrew Fleming Hospital kwakazotangwa mugore ra1974 ikazokumikidzwa zviri pamutemo munaChivabvu 1975 neaiva Prime Minister weRhodesia Ian Smith.

Zvivakwa zvakare zveParirenyatwa Group of Hospitals

Vanoti chipatara ichi chakazosandurwa zita kuva Parirenyatwa Group of Hospitals mugore ra1980 apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere.

VaLinos Dhire

Zita rechipatara chikuru ichi rinobva pane rimwe remagamba uye mhare dzehondo dzakasunungura nyika ino kubva kuhutongi hwevachena, mushakabvu Cde Samuel Tichafa Parirenyatwa.

“Nyika ino isati yawana kuzvitonga kuzere, chipatara ichi chaingova chevachena chete nemaColoured. Vanhu vatema vairapwa kuchipatara cheGomo chaizivikanwa nekunzi Harare Hospital asi chava kunzi Sally Mugabe Central Hospital. Chikamu chePrinces Margaret Hospital chaiva chemaColoured kuchitiwo cheLady Chancellor Maternity chaiva chevachena chete,” vanodaro VaDhire.

Chipatara cheSalisbury Group of Hospital chaitungamirirwa naDr D. H Goold vaiva Group Medical Superitendent uyewo chaiva nevashandi vanodarika zviuru zviviri panguva iyoyo.

Zvivakwa zvakare zveParirenyatwa Group of Hospitals

“Zvakadaro, chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals chinobatanidza zvikamu zvinoti Parirenyatwa Main Hospital yaimbonzi Andrew Fleming Hospital, Mbuya Nehanda Maternity Hospital yaimbodaidzwa kare kuti Lady Chancellor Maternity Hospital, Sekuru Kaguvi Eye Hospital yaimbonzi Princes Margaret Hospital, Parirenyatwa Mental Health Hospital yaimbonzi Annexe Hospital neThe Radiotherapy Centre and Orthopedic Centre,” vanodaro VaDhire.

Chipatara ichi pari zvino chine mibhedha yevarwere inokwana 1 200, chinogara chakazara nguva dzose uyewo chinoshanda masikati nehusiku.

“Zuva roga-roga chinorapa varwere mazana manomwe vanobva kudzimba kuye kwatinoti kuOut Patient uyewo nevarwere mazana maviri kuchikamu chevanoita tsaona nezvimwe zvirwere. Chipatara chedu cheParirenyatwa chine vashandi vanokwana 3 316, kuchiti mukati mevashandi ava 348 machiremba vakoti vachisvikawo 1 966,” vanodaro.

Mukuru wechipatara ichi ndiDr Tsitsi Mildred Magure vanova Group Chief Medical Officer uyewo Principal Nursing Officer vari Muzvare Nomazulu Mpande.

Dingindira rechipatara ichi kubata varwere zvakanaka pasina kusarura nekuraramisa upenyu hwevanhu.

Chinowanikwa mumusha weBelgravia, muHarare pakati pemigwagwa inoti Leopold Takawira naMazowe chinhambwe chinoita makiromita mana kubva muguta reHarare.

Share This:

Sponsored Links