Magadzirirwo embira . . .

27 Oct, 2022 - 08:10 0 Views
Magadzirirwo embira . . . Magwariva embira

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MBIRA dzinonzi dzine mhando dzakatsaukana izvo zvinoitawo kuti dzirire zvakasiyana zvakare zvichienderana nemagadzirirwo adzo.

Kwayedza inoita hurukuro neimwe nyanzvi yekugadzira mbira pamwe nekudziridza, VaFrankson Kudzai Kazai (37), vanogara mumusha weSuningdale 2, muguta reHarare avo kumusha vanobva kwaDotito, kuMt Darwin.

“Nyaya yembira ine chekuita nechivanhu, seni handina munhu akandidzidzisa kuridza mbira asi kuti zvakangotanga ndiri mudiki uyewo kuchikoro ndairidza marimba. Mugore ra2001, ndakazotanga kudzidza kupfura mbira nekugadzira magwariva acho zvose nemadeze,” vanodaro VaKazai.

Murume uyu anoti ane chikwata chekuridza mbira uye anotengesawo mbira nemadeze kunyika dzemhiri dzakaita sekuGermany, United Kingdom neUnited States.

Mbira

VaKazai vanoti mbira dzine mhando dzakasiyana dzinosanganisira Nhare Dzevadzimu dzine mapadza kana kuti mbira 24, Njari dzine mapadza 32 kusvika 34, Matepe kana kuti Hera dzine mapadza 23 idzo dzinowanikwa kuNyamapanda nekunyika yeMozambique neNyunganyunga ine mapadza 15 kusvika 18.

“Mbira dzemhando yose tinogadzira nemadeze acho, mamwe ekurima nemamwe atinogadzira nemakonje (fibre). Mbira dzedu dzinoiswa pamagetsi nedzimwe dzisingaende pamagetsi.

“Magwariva tinoveza toga nemiti yemusango uyewo hosho tinogadzira zvakare, zvose tichizviitira pamba kuSuningdale,” vanodaro VaKazai.

Simbi dzekupfurisa mbira newaya dzacho vanoti vanodziwana muguta reHarare nekumwe.

Mbira

“Kuveza magwariva tinoshandisa miti inosanganisira Mikamba, Mukina, Mubvamaropa, Migodo kana Miriranyenze. Tinoveza nemagetsi pano pamba.”

Zvisinei, VaKazai vanoti madeze emanhanga emapudzi makuru ava kunetsa kuwana munyika muno sezvo achiwanikwa kunzvimbo shoma dzinosanganisira kuBinga.

Share This:

Sponsored Links