Kwayedza
Tandayi Motsi
KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe – iyo yakatanga chirongwa chekuunganidza mabhuku ekuverenga nechinangwa chekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura – yawedzera mazuva ekuti veruzhinji vape mabhuku aya kusvika musi wa8 Zvita.
Pakutanga, kambani iyi yakange yatara musi wa1 Zvita sezuva rekupedzisira kuti veruzhinji vange vachipa mabhuku aya.
MultiChoice iri kukumbira veruzhinji kuti vape mabhuku ayo achazopihwa kuvana nechinangwa chekuti vabatsirikane.
Elizabeth Dziva – uyo anove mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuMultiChoice – anoti mazuva ekuti veruzhinji vape mabhuku ekuverenga pasi pechirongwa che#100bhuku awedzerwa kusvika musi wa8 Zvita.
“Chirongwa ichi chakauya nemunyori anozivikanwa zvikuru uye ari mutambi, Larry Kwirirayi, uyo anozivikanwa nezvinyorwa zvake zveThree Men On A Boat blog.
“Takabva tangoona kuti ichi chirongwa chakanaka uye tinogona kuita kuti chikure nekutsvaga mabhuku 100 ekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura kuti vabatsirikane pakuverenga,” anodaro.
Dziva anoenderera mberi achiti, “Mahofisi eMultiChoice ari kuAvondale nekuJoina Centre muHarare, Bulawayo neMutare ari kutambira zvipo zvemabhuku zvinobva kumakasitoma edu nekune vamwe veruzhinji uye chinongodiwa chete kusiya mabhuku aya panzvimbo idzi.”
Anotizve vari kutambira mhando dzemabhuku ose, asiwo anofanira kunge akakodzera kuverengwa nevana.
Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi vanokwanisa kuenda padandemutande rakanzi [email protected]