474 vakarova chikoro pabvunzo dzeA-Level

19 Jan, 2024 - 17:01 0 Views
474 vakarova chikoro pabvunzo dzeA-Level VaEdward Shumba

Kwayedza

Samuel Kadungure

VADZIDZI vanosvika 474 vakanyora bvunzo dzeAdvanced Level dza2023 vakawana mapoinzi 15 zvichikwira — apo chikoro cheSakubva High School chiri maMutare chaifemera mugotsi cheSt Faith’s High icho chakakunda zvimwe zvose muManicaland.

Kanzuru yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) yakaburitsa zvakabuda pabvunzo dzeA- Level neChishanu chapfuura.

Apo vadzidzi 278 kuManicaland vakawana mapoinzi 15 zvichikwira muna2022, huwandu uhu hwakawedzera kusvika pa474 muna2023.

Ongororo yakaitwa nemunyori uno maererano nezvakapihwa nemukuru wedzidzo kuManicaland, VaEdward Shumba, inoratidza kuti St Faith’s High ine vadzidzi 44 vane 15 poinzi zvichikwira — vatatu vane 25 poinzi, 14 vakawana 20 poinzi apo 27 vakabuda ne15 poinzi.

Chikoro ichi, icho chinotungamirwa neAnglican Diocese yeManicaland, chine vadzidzi 117 uye vakapasa nechikamu che100 percent.

Mugore ra2022, St Faith’s High yaive yekutanga iine vadzidzi 47 vakabuda nemapoinzi 15 zvichikwira kubva pavadzidzi 108.

VaShumba vanoti chikoro cheSakubva High chakaramba chiri panhamba yechipiri, pamwe chete neSt Augustine’s High nevadzidzi 35 vakabuda ne15 poinzi zvichikwira.

“Pane kusimukira kukuru mukupasa kwedu kubva mugore rapfuura. Tine vadzidzi 474 vezvikoro 70 zvesekondari kubva mumadistricts manomwe ose epurovhinzi avo vakapasa ne15 poinzi zvichikwira.

“Dunhu reMakoni ndiro rakaita zvepamusoro apo rine vadzidzi 122 vakabuda nemapoinzi 15 zvichikwira richiteverwa neMutare ine 110, Mutasa (88), Chipinge (56), Buhera (36), Nyanga (33) neChimanimani (29).

“Ndinokorokotedza vakuru vezvikoro, vadzidzisi, vadzidzi nevabereki vevana vapasa zvikuru uye ndinovakurudzira kuti vavavarire kudarika zvavakaita. Asi zvikoro zvisina kunyatsoita zvakanaka zvinofanirwa kuzvinzvera uye zvodzidza kubva kune zvine vadzidzi vakapasa,” vanodaro VaShumba.

Kriste Mambo yekwaMakoni yakatora nhamba yechina nevadzidzi 30 — mumwe aine mapoinzi 25, 11 vakabuda nemapoinzi 20 ne18 vakawana 15 poinzi.

St David’s Bonda Girls High inotungamirwa neAnglican yaive panhamba yechishanu nevadzidzi 28 vakabuda nemapoinzi 15 zvichikwira apo vanasikana 10 vakawana 20 poinzi uye vamwe 18 vakabuda nemapoinzi 15.

Bonda ine vadzidzi vakapasa nechikamu che100 percent.

First Class Academy yekwaMutare ndicho chikoro chakazvimirira chakabudirira zvemhando yepamusoro apo vadzidzi vayo 30 vakawana 15 poinzi zvichikwira.

Zvimwe zvikoro zvine vadzidzi vakabudirira zvinosanganisira Alpha Institute iyo ine mumwe akabuda ne20 poinzi nevana (4) vakawana 15 poinzi.

Murambinda High (Buhera), St Mathias Tsonzo (Mutasa), Biriiri High and Nhedziwa High (Chimanimani) zvine vadzidzi vana (4) vakabuda ne15 poinnzi apo Chitakatira High, Mutare Girls’ High (Mutare), Mafumise High (Chipinge), Nyatate High (Nyanga) neSt Columbus (Mutasa) chimwe nechimwe chine vadzidzi vatatu vakawana 15 poinzi.

Elis Gledhill High (Mutare) iri mubandiko rimwe chete iri sezvo ine mudzidzi mumwe akabuda ne20 poinzi apo vamwe vaviri vakawana 15 poinzi.

Buhera Village (Buhera), St Killian’s (Makoni), Nyangani High (Nyanga) neChecheche High (Chipinge), chimwe nechimwe chezvikoro izvi chine vadzidzi vaviri vabuda ne15 poinzi.

Zimunya High, Kudanana College, Chitora High, Marange High, Mweyamutsvene High, Nyamauru High, Nharira High, Masasi High, Takwirira High, Jersey High, Tuzuka High, Mutandahwe High, Regina Coeli High, Mapako High 1, St Mary’s Magdalene High, Nyajezi High, Nyafaru High, Avila High, Mt Camel High, St Therese High, Dope High, Mutiusinazita High, Hartzell High, Pass At Once College, Muterere High, Chimanimani High, Nyahode High, Chakohwa High neSt Patrick’s, chimwe nechimwe chine mudzidzi mumwe akabuda ne15 poinzi.

Share This:

Sponsored Links