‘Vechidiki vofarira basa rekugeza zvitunha’

31 Jan, 2024 - 15:01 0 Views
‘Vechidiki vofarira basa rekugeza zvitunha’ Dr Amos Marume

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VECHIDIKI mazuva ano vanonzi vari kufarira kuita zvidzidzo zvekushongedza vafi izvo kare zvaiitwa nevanhu vashoma uye vari vechikuru nekuda kwemaonerwo aiitwa basa iri sezvo raitorwa serinotyisa zvakanyanya.

Izvi zvakataurwa nemukuru wekoreji yeHarare Institute of Public Health, Dr Amos Marume, vachiti vanhu vazhinji vanotyira kure kana vachinge vanzwa nhau yekufa.

“Pano tagara tiine zvidzidzo zvatinoitisa zvakanangana neutano hwemunharaunda (community health), kufambiswa kwemabhizimusi, zvekurapa, O-Level kusvika A-Level, nezvimwe. Gore rino takasarudza kuwedzera zvidzidzo zvedu apo taunza chidzidzo chitsva chekushanda nevanhu vakafa (mortician) uye tiri kuona vadzidzi vakawanda vari kunyorera matsamba ekutsvaga nzvimbo.

“Tava kurarama munguva iyo vazhinji vanowana ruzivo pamasaisai nekudaro vava kuona kukosha kwebasa iri pane kuisa pfungwa yekutya vafi nekuti ibasa rinobhadhara uye kana wakarifundira kutya kwese hakuuyi pauri, rinetenge rakatofanana nemamwe mabasa anopa chouviri,” vanodaro.

Dr Marume vanoti kuti munhu awane magwaro eNational Foundation Certificate anoita zvidzidzo izvi kwemwedzi mina, kuchizoti gore rose kune vanoda kuita National Certificate.

“Pane mikana zvekare yekudzidza kuvanhu vasina kuita Form 4 asi vachigona kunyora nekuverenga apo vanongoitiswa zvidzidzo zvimwe chete zvekushanda nevafi. Vavaviro yedu ndeyekuti vanhu vawane kuvigwa zvakanaka nokuti haasi madzimambo oga nevane mari vanofanira kuvigwa zvakanaka.

“Muzvidzidzo zvedu tine mupanda wekupfekedza vafi nekuvagadzira runako (make-up), kupisa vaya vanoda kupiswa zvichifambirana netsika kana sarudzo dzavo sezviya zvinoitwa verudzi rweMoslem,” vanodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Peter Maponda, vanoti kana munhu afa, anenge asingachatyisi nokudaro vane shuviro yekuti vechidiki vakawanda vamhanyire mabasa akadai pane kuti vatorerwe mabasa nevanhu vanobva kune dzimwe nyika.

“Kana munhu achinge afa tinovimba kuti mweya wake unoenda kudenga uye akafa aine chigumbu ngozi yake kana shungu dzake hadziendi kumunhu ari kumuitira zvakanaka nekumugezesa kana kumupfekedza kuti avigwe zvine mutsigo.

“Shungu dzemufi pachivanhu dzinoronda vanhu vakamutadzira, vaakaona panguva iyo airarama,” vanodaro.

Zvakadaro, munguva yakanyanya kunetsa chirwere cheCovid-19 muna2020-21, vashandi vemumamochari nevanogadzira zvitunha vakavawo nenguva yakaoma sezvo vainge vari panyatwa huru yekutapurirwa hutachiona apo vaibata zvitunha kusanganisira zvevanhu vainge varasikirwa neupenyu nekuda kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>