Musamire nechirimwa chimwechete — ZFU

02 Dec, 2021 - 10:12 0 Views
Musamire nechirimwa  chimwechete — ZFU Mikoko yenyuchi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vari kukurudzirwa kuvandudza mabasa avo nekuita mamwe mabhindauko anosanganisira kuchengeta nyuchi vachizotengesa huchi sezvo bhizimisi iri richinzi rinopa mari nekukasika.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaPaul Zakariya vanova munyori mukuru wesangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) vachiti zvakakosha kuti varimi vave nenzira dzakawanda dzekuwana nadzo mari yekusimudzira mabasa avo. “Varimi havafanirwe kumirira basa rimwe chete, murimi akangwara anosanganisa zvose zvaanoziva kuti zvinopa mari. Pakurima, anofanirwa kurima mbesa dzakawanda chingava chibage, nzungu, muriwo, matomatisi, derere kana kupfuya nyuchi, mombe, mbudzi nehuku,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kuchengeta nyuchi kuri nyore kana murimi achinge awaniswa ruzivo rwakakwana.
“Chinodiwa panyuchi kutsvaga mikoko yakagadzirwa nehunyanzvi kana kugadzira woga woisa mumiti, mumatanda nemumatombo, unenge watoteya mari yako. Mushure menguva inoita mwedzi miviri kana mitatu, mari inenge yava kutonhuhwira kwauri.

“Saka tinoti murimi ngaatore mari nguva yose yegore, hazvina mhosva kuti muChirimo kana kuti muZhizha,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ibasa rakareruka zvikuru raunoita semurimi uchiitawo mamwe mabasa. Kureva kuti unorova shiri nhatu kana ina nedombo rimwe chete.

“Huchi tinokwanisa kuhudya kudzimba semhuri uye tichitengesawo kuzvitoro nekuvanhu vakazvimirira. Pamusoro pezvo, huchi hwasiyana nezvimwe zvirimwa nekuti hauwore kana hukagara kwenguva ndefu.”
Vanoti pakuita bhizimisi iri, zvakakosha kuti varimi vashande nenyanzvi dzezvekuchengeta nyuchi.
“Tinoshanda nenyanzvi dzekupfuiwa kwenyuchi uye varimi vedu vane chido voendeswa kunodzidzira basa iri,” vanodaro.

VaZakariya vanoti sangano ravo rinoshanda nemasangano anoona nezvekupfuiwa kwenyuchi anosanganisira reBeekeepers Association of Zimbabwe.

Mumwe wevarimi ari kubudirira mubhindauko rekuchengeta nyuchi anowanikwa kwaChitsvatsva kumaruwa ekwaSeke.

Murimi uyu ane mikoko inodarika makumi maviri yose ine nyuchi uye anokohwa huchi kashanu pagore.
VaTapiwa Ndipange (26) naVaMunashe Ndipange (21) vanoti kuchengeta nyuchi ibasa risingaburitse dikita.

“Basa redu ratinoita kuisa mvura mumatayi kana muzvitini nemumigomo padyo nemikoko iyi kuti nyuchi idzi dziwane mvura nguva dzose. Tinorimawo maruva akawanda muchivanze chedu ayo anotorwa nenyuchi idzi. Ibhindauko ramukoma wedu watinobatsirana naye,” vanodaro VaTapiwa Ndipange.

Vanoti huchi hwavanomora vanohutengesa kunzvimbo dzakasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey