Hurumende yogovera matani 81 000 echibage

17 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Hurumende yogovera matani 81 000 echibage Prof Obert Jiri

Kwayedza

Precious Manomano

HURUMENDE yakagadzirira kugovera matani 81 000 echibage kwemwedzi miviri iri kutevera kumhuri dzinotambura kuitira kuti imba yoga yoga iwane chikafu zvichitevera nzara iriko mwaka uno iyo yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Izvi zviri kuitika mushure mekunge mutungamiri wenyika President Mnangagwa vazivisa kuti El Niño injodzi huru kunyika yose vachiti Zimbabwe iri kutsvaga US$2 bhiriyoni kuti ibatsire mamiriyoni evanhu vasina chikafu chakakwana.

Munguva pfupi yadarika, Hurumende yakagovera matani anodarika 6 300 echibage kuvanhu vanotambura kumatunhu ekumaruwa.

Munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Professor Obert Jiri, vanoti matani anosvika 81 000 echibage achagoverwa kune vanotambura kubva mwedzi uno kusvika Chikumi uye ongororo ichiri kuenderera mberi yekuona veruzhinji vari kunetseka chikafu.

“Bazi rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya rakakumbira matani 71 000 echibage kubva munaNdira kusvika Kurume uye chibage ichi hachina kupera. Mumwedzi waKubvumbi, Chivabvu naChikumi vakakumbira matani 81 000 asi pachiri kuitwa ongororo kuti pazivikanwe huwandu hwevanhu vari kuda rubatsiro sezvo nyika isina kuwana goho rakanaka,” vanodaro.

Vanoti mukugovera chikafu ichi, vachange vachikoshesa zvikuru mhuri dzinotungamirirwa nevana, vakwegura, vakaremara nevasina kuwana goho rinogutsa. Munhu mumwe nemumwe achawana makgs 7,5 echibage pamwedzi, pakati pezvimwe zvirongwa zvekuwedzera zvekudya.

Muhurukuro nguva pfupi yadarika, munyori mukuru kubazi revashandi nekubatsirwa kwevanotambura, VaSimon Masanga, vakati ongororo iri kuitwa kuitira kuti vanhu vose vasina chikafu vabatsirwe. Pane matanho akawanda ari kutorwa neHurumende mukuona kuti mudzimba mune zvekudya.

Izvi zvinosanganisira kuvandudzwa kwemadiridziro kuitira kuona kuti mahekita 350 000 arimwa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvine tarisiro yekuti hapana munhu achafa nenzara zvichitevera danho reHurumende rekubatsira nechikafu.

VaZororai Makwiramiti vekuUzumba, kudunhu reMashonaland East, vanoti kuzvipira kweHurumende mukuchengetedza upenyu hwevanhu kunotendwa zvikuru.

“Tinotenda kunzwa kuti mapoka ose anotambura achabatsirikana. Gore rino ranga risina kunaka kana tichienzanisa nemakore adarika apo taimbokohwa zvakawanda. Tinofara kuti Hurumende yedu iri mubishi kuona kuti vose vanoshaya vabatsirwa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Agness Takaruza vekuMbire, kuMashonaland Central, vachiti Hurumende iri kubatsira nharaunda yavo kubva mwaka wadarika.

“Nzvimbo yedu haisi kunaya mvura zvakanaka makore ose saka tinovimba nerubatsiro kubva kuHurumende nevamwe vabatsiri. Tinotenda zvatiri kuitirwa neHurumende,” vanodaro.

Hurumende yange ichipa chikafu kuvanhu vanotambura vanosvika 2,7 miriyoni kubva gore rapfuura.

Zambia neMalawi dzakawirwawo nedambudziko rekusanaya kwemvura mwaka uno zvichikonzerwa neEl Niño uye nyika mbiri idzi dzakatozivisa mamiriro adzo ekushomeka kwechikafu sedambudziko guru rinoda rutsigiro rwechimbi-chimbi.

Share This:

Sponsored Links