Rimai mapindu: ZFU

09 Apr, 2024 - 15:04 0 Views
Rimai mapindu: ZFU Mufushwa: Varimi vanokurudzirwa kutanga zvirongwa zvekuomesa zvirimwa zvakadai semadomasi vachisanganisa nemuriwo kana hanyanisi izvo vanogona kutengesa uye kubatsirikana pakuwana chikafu nemhuri dzavo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudzira varimi kuti vasimbaradze mabasa ekurima mapindu uye kufusha zvirimwa zvakasiyana senzira yekudzinga nzara mumhuri dzavo zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka weZhizha uno.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaPaul Zakariya vanova head of secretariat uye executive director wesangano iri vachiti iyi ndiyo imwe nzira inoita kuti varimi vadzinge nzara mumisha yavo.

“Mvura haina kunaya zvakanaka mwaka weZhizha uno saka kune varimi vane mvura mumapindu avo tinovakurudzira kuti vashandise mvura iyi kuita mapindu vawane mari nechikafu. Inyaya iri pachena kuti zvirimwa zvizhinji zvakaita sechibage nezvimwe zvakatsva saka sevarimi hatifanirwe kupererwa,” vanodaro.

VaZakariya vanoti senzira yekuchengetedza mvura, varimi vanokwanisa kushandisa mhando yemadiridziro yedrip irrigation iyo isingashandise mvura yakawanda.

“Kune varimi vane zvibhorani nemigodhi izvo vanogona kushandisa mvura yemo kurima mapindu nenzira yemadiridziro yedrip irrigation,” vanodaro VaZakariya.

“Sezvatinoita kana mwaka weZhizha uine mvura shoma, tinorima mbesa dzine mwaka mipfupi, zvimwe chete nemumapindu edu ngatichengetedzei mvura kuti itisusukidze kunosvika panotanga mumwe mwaka weZhizha mumwedzi waGumiguru kana Mbudzi.”

VaPaul Zacharia

Vanokurudzirawo varimi kuchengetedza goho riri mumatura avo remwaka wadarika kuitira kuti vasaomerwe panyaya yechikafu pamwe nemhuri dzavo.

“Haisi nyaya yekufungidzira kuti mwaka uno mvura haina kunaya zvakanaka kureva kuti mudzimba zhinji muchapinda nzara nekudaro tinokurudzira varimi kuchengetedza goho ravainaro mumatura avo rakaita sechibage, mhunga, mapfunde, zviyo, nyimo, kunyangwe mufushwa wemuriwo nenyemba ngazvichengetedzwe kuitira kurerutsa nzara.”

VaZakariya vanoti vanofadzwa zvikuru nezvirongwa zvakatangwa nevamwe varimi kunzvimbo dzakasiyana zvekuomesa madomasi kuita mufushwa vachisanganisa nemuriwo.

“Vamwe varimi vakatotanga kare kufusha madomasi vachisanganisa nemuriwo nehanyanisi izvo vachazoda kutengesa nekudya panguva iri kutevera. Kunze kwemuriwo, tinokurudzirawo kufushwa kwederere iro riri kuwanikwa kumisika mizhinji mazuva ano,” vanodaro.

VaZakariya vanoti kune vanoda nzira dziri nyore dzekufusha zvirimwa, vanogona kutsvaga michina inoshandisa simba remagetsi rinobva muzuva iyo yakatekeshera muzvitoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey