Uncategorized

Afa mugakava rerekeni

24 Mar, 2022 - 18:03 0 Views
Afa mugakava rerekeni Inspector Glory Banda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 17 okuberekwa wekuBinga kudunhu reMatabeleland North akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekuuraya mumwe murume weko nekumubaya nebanga mushure megakava apo aipomera mushakabvu uyu kuti ainge amupfura nerekeni.

Mutauriri wemapurisa kuMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanotsinhira nyaya iyi vachiti Aleck Munkombwe akasungwa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda Irvine Muguli nemusi wa18 Kurume apo vaiva kurwizi rwaChigwagwa kunzvimbo yeSiachilaba, kuBinga.

“Nemusi uyu, Irvine Muguli akavingwa naAleck Munkombwe achigeza murwizi rwaChigwagwa aine munin’ina wake, Israel Muguli (13). Vaviri ava vakava nenhaurirano yakanzwikwa naIsrael Muguli apo Irvine Muguli aibvunza Aleck Munkombwe kuti sei akambenge amupfura nerekeni zuva rainge radarika,” vanodaro Insp Banda.

Zvinonzi Munkombwe akazoburitsa banga muhomwe dzake ndokubaya Irvine pachipfuva kudivi rekuruboshwe achibva atiza.
“Irvine Muguli anonzi akazodzingirira Aleck Munkombwe kwechinhambwe chinoita mamita mazana maviri achibva apera simba ndokupunzika pasi ndokufenda. Aleck Munkombwe akazoona kuti Irvine Muguli akanga apunzika apo akaenda kunotarisa ndokuona kuti akanga atofa. Akazodzokera kurwizi uko akanozivisa munin’ina wacho Israel Muguli kuti mukoma wake akanga afa,” vanodaro Insp Banda.

Zvinonzi Munkombwe aona kuti aiva auraya mumwe wake, akazoedza kuzviuraya nekuzvibaya nebanga pagurokuro asi ndokutadza kufa achibva azonwa mushonga wekuisa muzvirimwa.

“Anwa mushonga uyu, akazotakurwa kuendeswa kukiriniki yeSiansundu kunorapwa nababa vake VaJohn Munkombwe. Nyaya yakazomhan’arwa murume uyu ndokusungwa achimirira kuzoendeswa kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Banda.

Mutumbi waIrvine wakazoendeswa kumochari.

Insp Banda vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekugadzirisa kusawirirana kwavo nemhirizhonga.

“Semapurisa, hatibvumidze kuti vanhu vatakure zvombo zvinokuvadza zvakaita semapfumo, mapanga, matemo nerekeni inova mhosva huru munhu akawanikwa akatakura zvombo izvi,” vanodaro Insp Banda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey