Uncategorized

Afemeswa nemukadzi ane mimba

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME wekuti anoshungurudzwa nemusikana waakamitisa, uyo anoti rimwe zuva akasvetuka jurahoro repamba paanogara ndokutanga kumutukirira, akazokwidza nyaya iyi kudare.

Ophious Mutekwe akamhan’arira Patience Mtetwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

Mutekwe akati kubva zvaakapa Mtetwa pamuviri, hapana kuzombowanikwa runyararo.

“Ndamira pamberi perino dare ndichikumbira kuti dare rirambidze Patience kusvika pamba pangu uye kuuya kubasa kwangu. Patience akauya mumwe musi akazvitakura akasvetuka jurahoro. Ndinokumbira kuti asasasvika zvake nekuti hunhu hwacho kumunhukadzi hwakangooma,” akadaro Mutekwe.

Akati zvakare Mtetwa anouya kubasa kwake achimutukirira pamberi pevamwe vaanoshanda navo.

“Ndinokumbirisa kuti asasvike hake kubasa kwangu nekuti akatombondituka zvinyadzi pamberi pevamwe vashandi. Akauya akatukirira mukadzi wangu sekunge ndiye ane nyaya naye, dai dare raita kuti ndisunungurwe kubva kumunhu uyu. Kana iri mari yemimba yaanayo ndinomupa asi kwete pamba kana pabasa pangu,” akadaro.

Mtetwa akapokana nezvakataurwa naMutekwe.

“Ndine mimba yave nemwedzi minomwe saka ndingade kukuvadzisa mwana wangu nekusvetuka juraworo here? Murume uyu anonyepa zvandisati ndakamboona. Kamwe chete kandakasvika pamba pake ndichitsvaga hupfu nekuti ndainge ndava kutoziya nenzara. Paari kuti ndakaenda kubasa kwake zviri kundishamisa nekuti ini kubasa kwaanoshanda handikuzivi,” akadaro Mtetwa.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Mtetwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey