Uncategorized

Akadashurwa nemudzimai

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

HARAHWA ine makore 60 ekuzvarwa, iyo yakarikitwa kurohwa nanyachide wayo mushure mekunge vatadza kunzwisisana, yakazotizira kumatare edzimhosva.Mutongi Blessing Murwisi akapa Ester Muronga (39), wepanhamba 614 St Mary’s, kuChitungwiza, chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemina mushure mekumubata nemhosva yekurova murume wake, Funny Mashingaidze (60).

Mutongi uyu akazosendeka mwedzi minomwe yechirango ichi padivi paine chitsidzo chekuti Muronga haapare imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa18 Mbudzi munguva dzemangwanani, Muronga akauya ndokutora mbatya dzake. Izvi zvakaita kuti pave nekusanzwisisana nemurume wake achibva amutema nesimbi kumeso uye paruwoko rwekurudyi.

Mashingaidze akabva aenda kunomhan’ara kumapurisa zvakaita kuti mudzimai wake asungwe.

Pakumira kwaakaita mudare, Muronga akabvuma mhosva yake achiti akarwa nemurume wake mushure mekunge vatadza kunzwisisana.

“Ndinobvuma mhosva yekurova murume asi ndakamurova mushure mukunge atanga kundirova iye,” akadaro Muronga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey