Uncategorized

Akadzikwa demo pashabhini

02 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
Akadzikwa demo pashabhini

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuMatobo, kudunhu reMatabeleland South, anonzi akajajadwa nedemo ndokufa nemumwe wake apo vaiva pashabhini mushure mekunge vatadza kunzwisisana.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu iri, Segearnt Thandolwenkosi Moyo, vanoti Leone Mkadhla (27) ndiye akatemwa nedemo naMthulisi Tshuma (33) anobva mubhuku raNyadeni, kuMatobo.

“Tine nyaya inosuwisa zvikuru yakaitika nemusi wa25 Chikunguru kuMatobo kune murume ainzi Leone Mkadhla uyo anonzi akatema nedemo naMthulisi Tshuma achibva angofira panzvimbo. Vaviri ava vanonzi vakangotanga kukakavadzana nenyaya isina kuzivikanwa kusvikira Tshuma aponda mumwe wake,” vanodaro Sgt Moyo.

Mkadhla anonzi aibva kudunhu raMambo Masuku, kwakare kuMatobo, uyewo Tshuma mufudzi wemombe kwaSabhuku Nyadeni munzvimbo imwe chete iyi.

Zvinonzi nenguva dza8 husiku, vaviri ava vainwa doro nevamwewo vanhu vari pashabhini yaTshuma apo vakazotanga kunetsana.

Tshuma anonzi akazopinda muimba yake yekurara yehuswa umo akabuda akapakata demo ndokusvikotema Mkadhla mumusoro kamwe chete achibva angofa.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuMatobo, Mthulisi Tshuma achibva asungwa uye akachengetedzwa nemapurisa achimirira kuendeswa kumatare edzimhosva nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda munhu,” vanodaro Sgt Moyo.
Vanoti semapurisa, vanokurudzira veruzhinji kuti kana vapesana mukutaurirana, vanofanirwa kutsvaga vayananisi kwete kurwisana.

“Hakuna munhu ane kodzero yekupfuudza upenyu hwemumwe munhu. Tine vatungamiri munzvimbo dzatinogara vanogona kutiyananisa pane kurwisana,” vanodaro Sgt Moyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey