Akafa arumwa nenyuchi 1

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Akafa arumwa nenyuchi 1

Kwayedza

Daphne Machiri
MURUME wekuAvondale, muHarare, akafa rufu runoshamisa apo anonzi akarumwa nenyuchi imwe chete pachigunwe nguva pfupi yadarika. David Manyowa (28), uyo aigara panhamba 28 Ridge Road, anonzi mukukura kwake aiti akarumwa nenyuchi aibva arwara zvikuru. Mukoma wemushakabvu, Jerry Mudza (37) uyo aigara naye, anoti rufu rwemunin’ina wake rwakavagura kunorira.

“Munin’ina wangu akakura asingawirirane nenyuchi zvekuti aiti akarumwa nenyuchi taitomhanya naye kuchipatara kana kumupa mapiritsi ekupomhodza huturu hadzo,” anodaro Madza. “Nyuchi idzi dzaiva dziri pabango remagetsi kumba saka imwe yacho yakamuruma akatanga kupera simba. Takazosara toenda naye kuchipatara kuParirenyatwa (Group of Hospitals) vanachiremba vakati munhu akanga atofa kare.

“Mukukura kwake akamborumwa hake kanokwana kuita kaviri, kandichanyatsoyeuka, tikamhanya naye kuchipatara asi akange azvimba muviri wose nekumeso,” anodaro Madza. Anoti pakarumwa Manyowa nenyuchi paazofa apa, akange asina mapiritsi ekupomhodza huturu.

“Shuwa munhu angafe nekurumwa nenyuchi imwe chete here? Yambiro yangu kune avo vane dambudziko rema‘allergies’ nenyuchi ndeyekuti ngavagare vaine mapiritsi padyo uye mhanyai kuchipatara nenguva kana muchinge marumwa,” anodaro.

Manyowa akavigirwa kumakuva ekuMabvuku Cemetry.
Kune mhando yedzimwe nyuchi dzinonzi dzine huturu hunouraya dzinonzi “Africanised honey bees” kana kuti “killer bees”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey