Uncategorized

Akagumbuka anovigira vana magumbeze

13 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUMWE mukadzi akachema-chema mudare redzimhosva achiti murume wake ane katsika kekuti kana vapopotedzana anotora magumbeze evana oaviga pamusoro pewadhiropu zvinozoita kuti varare vachigwagwadza nechando.

Precious Chipfurutse akamhan’arira Willard Tumbare kuHarare Civil Court achiti: “Ini zvekugara ndichiita kunge muranda pamba pangu handichazvikwanisi.

“Ndinorohwa nababa ava, kunyanya vakandiona ndakamira nemumwe murume vanofamba vachishambadza kuti ndiri pfambi yemakoko asi ndivo vasingatogare pamba.

“Zvimwe zvezvinhu zvinoitika kumba kwedu inyaya yemabatirwo anoitwa vana vangu. Mumwe musi vana vakatadza kurara murume uyu avatorera magumbeze ndokunoarongedza pamusoro pewadhiropu.

“Ndakazomuka ndikarara ndakagara ndakabereka mumwe mwana mudiki ane makore manomwe. Kutaura kuno ndakabva pamba apa mushure mekunge ndaona kuti zvinhu zvave kutonyanya kushata. Vapedza kuita mabasa akashata kudaro, vanouya kwandiri vachida kundimanikidza bonde asi ini ndinozviramba.”

Tumbare akaramba zvakanga zvataurwa achiti hapana chaasingaitire vana vake kubva pakuvapa chikafu kusvika pakuvabhadharira mari yechikoro.

“Mukadzi uyu anondinyepera. Kana vari vana ndinochengeta. Nyaya yaasiri kunyatsotaura kunetsana kwatinoita haachadi kuita bonde neni. Akandiona ndine vakadzi vepamusika anobva atanga kundipopotera achiti ndava kuita zvechipfambi asi chokwadi chiripo ndechekuti haadi kurara neni.

“Ndakamuti kana pane zvaari kutya akasununguka kuti tiende kunoongororwa ropa asi akazviramba kureva kuti iye ndiye ane zvaari kuvanza.

“Panyaya yevana vakarara vasina kufuga zuva raataura ndakange ndamutsiura kuti sei akange auya kumba kwadoka ndokubva andinyararira.

“Pamusoro pazvo, kubva kumba kwaakaita akanga aita makuhwa pamusoro pevaridzi vemba saka vakabva vati havadi kumuona ari pamba apa,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Chipfurutse ndokuti vaviri ava vanofanira kugarisana zvakanaka semurume nemukadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey