Uncategorized

Akapofomadzwa nemuremwaremwa

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Akapofomadzwa nemuremwaremwa Tichaona Samukange - Mifananidzo naKimberley Kazungu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemuHarare anoti akapofomara maziso mushure mekunge arohwa kumeso nemumusoro nemuremwaremwa.

Mbuya Kwenda

Muremwaremwa kamhuka kanodaidzwa pachirungu kuti “bat”.

Vamwe vanofunga kuti kamhuka aka ishiri isina makushe nekuda kwekuti kanobhururuka, asi handizvo.

VaTichaona Samukange (34) vanoti mashura ekurohwa kwavo kumeso nemuremwaremwa akaitika apo vainge vachangobva mukutenga chuma chemuhuro (necklace) icho chaiva nemaziso kuimwe chembere.

Madzibaba Mashunya

VaSamukange – avo vari kugara pamba pevabereki vavo mumusha weSunningdale 1 – vanoti matambudziko avo akatanga mushure mekutenga chuma chemuhuro kune imwe chembere kuAvondale Flea Market mumwedzi waZvita 2013.

“Ndava bofu zvekuti ndinongoona zvemadzengerere. Ndaiva pano pamba pevabereki vangu ndigere panze ndakamirira shamwari yangu kuti tiende kubhawa. Pakangoerekana pauya muremwaremwa ndokundirova kumeso nemapapiro awo.

“Wakabhururuka ukaenda mudenga, ndokudzoka ukasvikondirovazve mumusoro nemumatama. Ini ndakanzwa sendairohwa nesando kana nedanda, ndikapunzikira pasi,” vanodaro VaSamukange.

Vanoti izvi zvakaitika mazuva mashoma vachangobva kujeri uko vainge vasungirwa mhosva yekuba laptop uye pavaiva kujeri uku, vakasangana nevamwe vanhu vanozviti maSatanists.

Murume uyu anoti mushure memazuva matatu arohwa nemuremwaremwa, muromo wake nemaziso zvakabva zvaenda parutivi ndokuita bofu apo kumeso kwakatanga kuzvimba.

“Zvakaitika ndichangobva kuAvondale uko ndakanotenga cheni yemuhuro R5 yaiva nemaziso netumvura twaipenya mukati,” vanodaro.

Mushure mekurohwa nemuremwaremwa musoro nekumeso ndokuzvimba, vanoti vakazoenda kuchipatara uko chirwere chakashaikwa.

VaSamukange vanoti mumazuva azvaitika, vakange vachangobva kujeri nemhosva yekutengeserwa laptop yekuba iyo vakazoedzawo kutengesa mumwe munhu vakabva vabatwa ndokurohwa neveruzhinji vasati vaendeswa kumapurisa.

“Ndakasungwa zvandisina kunzwisisa apo ndakaendeswa kuremand kuHarare Central Prison. Mushure memazuva ndiriko, ndakavingwa nevamwe varume vaviri vaivawo vakasungwa vekuDemocratic Republic of Congo (DRC) avo vakanditi maSatanists.

“Varume ava vakanditi ndine chuma chavo icho chaipinduka chichiita nyoka chandakanga ndapihwa neimwe chembere yekuAvondale yavaiti mumwe wavo. Vasati vandiwana, vaituma vanhu mujeri umu vachiti vaitsvaga mumwe wavo muSatanist achangobva kusungwa.

“Vandiona, ndakamboedza kuramba nyaya iyi kudzimara ndabvuma kuti ndine cheni iyi ivakabva vanditi ndakatopinzwa muchikwata chavo chemaSatanists nekuti cheni iyi imhiko yeCult (zvinotendwa nemaSatanist) yavo.”

Vanoti vaviri ava vakazomupa fodya yaiva yakawanda yemidzanga apo iye akavapa cheni iyi uye vakazongoramba vachimupa zvipo zvakasiyana vachiti akanga ava mumwe wavo.

“Chakandinetsa ndechekuti varume ava vaitaurirana sei naambuya avo vavaiti mumwe wavo aidyidzana navo nerumwe ruzhinji rwechikwata ichi ivo vari kunze. Vanoti vakaziviswa kuti kune munhu achauya ikoko ini ndisati ndasungwa,” vanodaro VaSamukange.

Varume vaviri ava vanonzi vaitozivikanwa uyewo vasingatye kubuda pachena kuti vaiva maSatanists.

Vanonzi vaikweretesa vamwe vasungwa mari, zvekudya nefodya uye vaibva vatora mazita evanhu ava nekero yekudzimba kwavanobva.

“Vanhu ivava vaiva nezibhaibheri rakasiyana nebhaibheri chairo. Chuma ichi ndisati ndachipa kuvanhu ava, kune mumwe aiita zvekunamatira vanhu mujeri uyo akaramba kuchibata achiti chine ropa revanhu.”

Mushure mekunge varume ava vatora chuma ichi, vanoti vakamuudza kuti chainge chakarukwa zvisizvo pamutemo wavo wechiSatanist.

VaSamukange vanoti varume ava vakavati chuma ichi chakakanganiswa apo pachakadambuka pavakarohwa vachinzi vainge vaba laptop.

“Ndavapa cheni iyi, vakazonditi ndiyo yaizoita kuti ndibude mujeri pamwe chete naivo. Ndakazongopedza gore ndiriko ndokuzobuda mumwedzi waNdira 2014 ndisina kutongwa, ivo vakazosara vachibudawo,” vanodaro VaSamukange.

Vanoti vakazongopedza mwedzi miviri vabva kujeri apo vakazorohwa neshiri mumwedzi waKubvumbi gore rimwe chete iroro ndokubva vaita bofu.

“Muremwaremwa uyu wandirova, ndakaita bofu baba ndikavaudza zvakaitika vasati vashaika vakashaya basa nazvo, kunyangwe amai neshamwari yangu akati yaingovawo shiri.

“Zvadaro, ndakazobva pamba ndikaenda kunoroja kuBluffhill ndichiri kuona zvishoma ndikazonoona muremwaremwa mumwe chete uya uchinditevera mumba ukazofuma wakafa panze,” anodaro Samukange.

Anoti akazodzoka kumba kwevabereki vake uko vamwe vemhuri anoti vakazotanga kuteverwa nemamhepo ari kukonzera kuparara kweupfumi nekurasika pfungwa.

“Baba vangu vakazoita tsaona mugore ra2015 munaZvita vachibva vafa. Munin’ina wangu nehanzvadzi yangu vari kupenga izvozvi nekuda kwenyaya iyi. Motokari dzedu 7 dzinosanganisira marori maviri, Toyota, Pajero nedzimwe dzaiva pano takapedza kutengesa imwe tikatsotswa namakanika.

“Midziyo yose tapedza kutengesa kana masofa mumba hamusisina tichida kutsvaga mari yechikafu nekufamba kumaporofita nekun’anga,” anodaro Samukange.

Anoti vapedza mari vachitsvaga kubatsirwa kumaporofita nekun’anga pasina zvinofamba.

“Kwatiri kufamba zviri kunzi maSatanist aya ari kuita izvi kuti tidzokere kunotsvaga rubatsiro kwavari kunyangwe pfuma yose zvinonzi ndivo vanotora. Mbuya vaye vakanditengesera cheni iyi handichavaona uyewo vandaiva navo kujeri handizive kwavari,” anodaro.

Samukange anoti nguva zhinji kana huri husiku anenge akasvinura uye anozokotsira kwaedza muviri wake wave kupera simba sezvo achiona nyoka ichimusveta ropa.

Votaura nezviri kuitika kumurume uyu, Mbuya Alice Kwenda Masoko vekuLochnvar, muguta reHarare, vanoti anoda kubatsirwa nenguva.

Madzibaba Mashunya, VaHonest Mafa (30), vechechi yeChitenderano Apostolic Church vanobva kuZvishavane vanotiwo murume uyu akakurumidzirwa meso ake anokwanisa kudzoka kuti aone zvakare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey