Akaponda mudzimai akamusungirira pamubhedha

07 Dec, 2023 - 14:12 0 Views
Akaponda mudzimai akamusungirira pamubhedha Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Nhema, kuShurugwi, akarova mudzimai wake kusvikira afa apo ainge akamusungirira pamubhedha achimupomera mhosva yekuti aiva amubira US$250.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mutumbi wemudzimai uyu wakawanikwa mumba wakasungirirwa makumbo nemaoko pamubhedha.

Mutumbi uyu unonzi wakawanikwa nemwanasikana wemakore 14 okuberekwa wepamusha apa uyo aitoenda kuchikoro nemusi wa1 Zvita.

“Tine nyaya iri kuferefetwa nemapurisa yemurume akaponda mudzimai wake mutumbi ukazowanikwa wakasungirirwa pamubhedha kuVillage 8 kuDlemiti, kudunhu raMambo Nhema, kuShurugwi. Mutumbi wemuchakabvu uyu wakazowanikwa nemwanasikana wepamusha apa ane makore 14 uyo aitoenda kuchikoro,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti musikana uyu, uyo aigara naambuya vake, akadarika nepamba pababa vake achienda kuchikoro.

Akaona imba yavo yekurara yakavharwa achibva avhura gonhi ndokuona mutumbi waamainini vake, Runyararo Midzi.

Mutumbi uyu waive pahuriri hwemumba umu makumbo zvose nemaoko zvakasungirirwa pamubhedha uye baba vake vaive vasipo.

“Musikana uyu akazomhanya kunotaurira vamwe veruzhinji nyaya iyi ichibva yanomhan’arwa kumapurisa ekuTongogara ZRP. Padumbu remudzimai uyu pakaonekwa ronda guru rakadzika zvinoratidza kuti pakashandiswa chombo chakapinza pakumuuraya,” vanodaro Insp Mahoko.

Mapurisa akawanawo tsamba padyo nemutumbi uyu yakasiya yanyorwa nemurume wemudzimai uyu yaitaura kuti akanga amuuraya nekuda kwemari yake yaaiva aba inokwana US$250.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi, mapurisa vakazokwanisa kusunga murume wemudzimai uyu, Lonyaka Mulambi (43), nemusi wa2 Zvita apo aiva padyo nepamba pake akarara musango, ,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa.

Mune imwewo nyaya yakaitika nemusi wa1 Zvita mambakwedza, Ernest Moyo anonzi ainwa doro oga mubhawa panzvimbo yemabhizimisi yeZvibobvu, kuSilobela, apo akazoonekwa achimhanyiswa nevamwe varume achipinda nepamusuwo webhawa achibva panze achibva anobuda nekune mumwe musuwo wekuseri.

“Murume uyu aimhanyiswa nevarume vana (4) vanosanganisira Learnmore Chiribani, Marshal Chuma, Marvelous Kuchicha naArchford Dube vose vanobva kuVillage 10 kudunhu raMambo Ntabeni, kuSilobela. Varume ava vaiva nemapanga nemabhemba apo vakasvikomubata kunze kwebhawa ndokumucheka-cheka muviri wose nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa. Vakabva vatiza pavakaona apunzikira pasi achibuda ropa zvakaipisisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Nenguva dzemambakwedza, mumwewo munhu aidarika nepanzvimbo iyi akazowana Moyo akarara pasi kuseri kwebhawa ndokumutakura kuenda naye kumapurisa.

“Murume uyu akakuvadzwa muviri wose uye akadarikidzwa kuchipatara cheSilobela District Hospital uko akasvika achifa. Semapurisa, tinokumbira kuruzhinji kuti vatibatsire nemashoko anoita kuti tikwanise kusunga varume vari kutaurwa munyaya yekuuraya murume uyu. Ikurudziro yedu nguva dzose kuti vanhu vagadzirise nyaya dzavo nekutaurirana pane kurwisana kana kuenda kumapurisa anodyidzana neveruzhinji nekumadzishe nemasabhuku kunoyananiswa,” vanodaro Insp Mahoko.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey