Akarumwa vachirwira murume

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
VAKADZI vaviri vekuEpworth vekugara vachirwa nekupopotedzana nenyaya yemurume vakapedzisira vasvitsana kumatare edzimhosva. Gamuchirai Wenhamo akaenda kudare reHarare Civil Court achiti Dorcas Foroma anomushungurudza achimupomera kudanana nemurume wake, kumurova pamwe nekumutuka. “Amai ava vanondituka zvinonyadzisira, vanonditi ‘zihure’ vachindipomera kudanana nemurume wavo mushure mokunge ndaudza hama yavo kuti ivaudze kuti murume wavo anondifonera uye vanogara vachida kurwa neni. Pandakarwa navo vakandiruma-ruma mafudzi angu nepahuro,” akadaro Wenhamo.

Foroma akaudza dare kuti Wenhamo ndiye anotomushungurudza pamwe nekuda kuputsa wanano yake.
“Changamire, mukadzi uyu zvaanotaura inhema dzoga-dzoga. Iye ndiye anofamba kuhama dzangu achiti murume wangu anomuda uye anomufonera asi iye ane murume wake. Ndinotoshaya kuti anodei pamurume wangu. Hakusi kutsvaga kuda kuputsawo musha wangu here uku?

“Vedare, kana iri nyaya yekutuka, mukadzi uyu anotukirira iyeyu. Anoti kana akabata kutuka murume wangu anomusiya asisina kupfeka zvekutoti vana vangu vanototiza pamba sezvo vave vanhu vakuru,” akadaro Foroma

Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Wenhamo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey