Uncategorized

Akazvambura tete

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUZUKURU wekuzvambaradza tete vake mushure mekunge vaedza kumuyananisa apo ainetsana nemukadzi wake akaigochera pautsi zvichitevera kukonwa kwaakaitwa mudare redzimhosva.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts, Takunda Mutetwa, akapa Naison Gwirize, wepanhamba 15228 Unit O, Seke, chirango chekugara mujeri kwemwedzi miviri mushure mekumubata nemhosva yekurova tete vake, Beauty Gwirize (59), avo vanogara pamba pamwe chete naye.

Chirango ichi chose chakazosendekwa padivi paine chitsidzo chekuti haaifanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Mutongi Mutetwa akati Naison abhadhare faindi yeUS$100.

Kuti dare rimunzwire tsitsi, Naison akati ane mudzimai nevana vaviri uye mumwe wacho mudiki ari kurwara.

Beauty, uyo akange ave kutyira kuti mwana wehanzvadzi yake angakandwe mujeri, akakumbirawo dare kuti rimupe chirango chakareruka.

“Mange muchitarisira kuti timupe chirango chakadii muzukuru wenyu uyu?” akabvunza mutongi Mutetwa.

Beauty akapindura achiti: “Ndinovimba kuti apfidza pane zvaakaita.

‘‘Ndange ndichikumbirisa kuti musamuendesa kujeri nekuti zvinondirwadzawo. Mwana wehanzvadzi yangu uyu, akakanganisa uye ane mwana mudiki ari kurwara,” akadaro achichema-chema nedare.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa31 Chikunguru gore rino, Naison akanetsana nemudzimai wake achibva amukiira muimba yavanorara.

Tete ava vakabva vaenda kwaari vachikumbira kuti amuzarurire kuti vagadzirise nyaya yakange ichinetsa iyi mune zvakanaka.

Naison akabva agumbuka ndokutanga kurova tete vake nemambama achibva apwanya musuwo wemba yekutandarira.

Mumhan’ari haana kukuvara zvake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey