Uncategorized

Akazvara chuma nepfumo

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Akazvara chuma nepfumo

Kwayedza

. . . ambogeza nababa vake vose vari musvo

MUKADZI wechidiki wemuHarare anoti akaita mimba ndokuzobara chuma chaive nekapfumo kadiki pakati mushure mekunge iye nababa vake mbune vatanga vambogeza muviri nemukaka musango, vose vari musvo, semhiko dzekusimbisa musha.Mukadzi uyu — uyo anobva kuBinga, kudunhu reMatabeleland North — anoti akamboroorwa nevarume vaviri panguva dzakasiyana asi vose vakamutiza sezvo kapfumo aka kaivabaya kusikarudzi dzavo panguva dzekusasana izvo zvaivasiya vakuvare.

Vari kutaura nezvenyaya iyi vanoti aya mabasa ezvikwambo zvinoitira varume shanje nechinangwa chekuti izvo zviwane nguva yekusasana nemukadzi uyu.

Fortunate Mabika (31) — uyo anogara kuGlen View 1, muHarare – anoti akasununguka chuma nekapfumo aka kuHighfield uko ainge anoshandirwa dambudziko rake.

Chuma chinonzi chakazvarwa naFortunate Mabika. — Mifananidzo: Kingstone Mapupu

Chuma chinonzi chakazvarwa naFortunate Mabika. — Mifananidzo: Kingstone Mapupu

Zvinonzi akaitirwa mhiko dzekuti asaite murume muupenyu hwake kana kuita vana.

Kunze kwaizvozvo, Fortunate anoti anobata mimba dzemapatya asi pose paanosununguka, anobara mwana mumwe chete anorarama, mumwe wacho achibuda akafa.

Fortunate kumusha anobva kwaMambo Chiwela, kuSinamutsanga, kuBinga.

Anoti anoona mucherechedzo wababa vake uchiuya kwaari akasvinura, woshinha naye, angava masikati kana husiku.

Pakutanga, Fortunate airota baba vake vaiuya vakatakura saga mumawoko vosvikomuti aburuke pamubhedha vowaridza pasi apo vaizopedza naye.

“Ndava nemakore 16 ndichitambura. Asi mviro-mviro yacho ndichiita Grade 5 kuBinga pachikoro cheMagisi Primary apo ndairota baba vachishereketa neni,” akaudza Kwayedza svondo rino.

Fortunate anoti akamboshevedzwa kumusha ari kuHarare achinzi kumusha kwavo kwaiva nechivanhu chaidiwa vemhuri.

Anoti apa akanosvika kumusha ndokurara asi rechimangwana racho akamutswa naamai vake ndokunzi aende kune rimwe sango reko, uko iye nababa vake vakanogeza nemukaka, vose vasina kupfeka.

Chuma

Chuma

“Ndaenda kumusha uku, mangwanani aitevera ndakamutswa naamai vachiti kune zvaida kuitwa. Vakanditi nditevere baba kusango uko ndakaenda ndikanowana vachigeza nemukaka waiva mugate asi ivo vasina kupfeka.

“Ndakaedza kudududza nekutya kuvaona vasina kupfeka, asi vakanditi ndisvike sezvo paisava nechakaipa. Ndipo pavakanditi ndikumure mbatya ndokuramba.

“Ndakazongoita charima nedzungu ndokuzobvisa mbatya ndikagezawo mukaka uyu muviri wose, ivo baba vakayeva vachiti ndizvo zvaiva zvaitwa nevamwe vose semhiko. Ndakapfeka vakatarisa ivowo ndokupfeka tikazodungamidzana kuenda kumba.”

Fortunate anoti vamwe vana vemumhuri yavo vakasvikomutaurira kuti kudai akaramba kugeza nemukaka uyu sezvo ivo vakange varamba kuita izvi.

Mumhuri iyi mune vana gumi uye vaviri vavo, kusanganisira Fortunate, vanoti vanosangana nematambudziko akasiyana.

“Ndakatambura ini, vana vatatu vakafa. Ndaibata nhumbu ari mapatya asi mumwe aifa ari mudumbu. Ndakafirwa nevana vatatu ndikasara ne4, mukuru wacho anova wemumwewo murume,” anodaro Fortunate.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakaita murume wekutanga tikaita mwana mumwe chete, atosvika makore 16 okuberekwa. Pose pataisasana, murume uyu airidza mhere otanga kujuja ropa kusikarudzi. Chainge chamuruma kana kumukuvadza taichishaya.

“Ndafamba kwakasiyana ndichiudzwa kuti ndakagadzirwa nechikwambo chechirume icho chine shanje dzekusada kuti ndiite vamwe varume. Nekudaro, murume wekutanga akatiza neupenyu hwake aona nhamo nekurumwa nekubaiwa.”

Fortunate anoti paakaroorwa nemurume wechipiri akasangana nedambudziko iri zvakare zvikaita kuti amutizewo.

“Wechipiri aingoitawo zvimwe chete panguva yekusasana. Waingonzwa ozhamba achinyuruka kusvetuka wotoona akuvadzwa kuita sekuchekwa kana kubaiwa nekuita searumwa nemazino akatesva,” anodaro Fortunate.

Anoti panguva yavainge vachironga zvekuita nhumbu, varume ava vaisarumwa asi mimba ikangobata chete, vaibva vatanga kurumwa kusvikira panosunungukwa mwana.

Mukadzi uyu anoti pose paikuvara varume vake, iye aisakuvara kana kunzwa panorwadza.

“Ndakafamba kakawanda ndichinzi ndine sare raikuvadza varume. Vamwe vaiti ndaiva negomarara nezvimwe zvirwere zvakasiyana, izvo zvose zvakashaika.”

Anotizve akazoenda kune rimwe sowe kwaMachipisa, kuHighfield uko akanopihwa muteuro apo akasununguka chuma chaive nekanyanga pakati, chinonzi ndicho chaibaya varume. “Chinhu chandakabviswa ichi ndicho chinonzi chikwambo chairwisana nevarume vangu. Ndakabuda mvura yaityisa, chinhu ichi chikazobuda ndichibatsirwa nemamwe madzimai,” anodaro.

Fortunate anoti munguva pfupi yakadarika, imba yaanoroja kuGlen View yakangotsva nemoto usina kuzivikanwa kwawakabva zvinhu zvose zvikaparara, izvo zvaanofunga kuti zvine chekuita nedambudziko iri.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vaFortunate kuti vapewo mativi avo panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey