Akpom akakwereteswa

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Akpom akakwereteswa Chuba Akpom

Kwayedza

CHUBA Akpom akatumirwa kuBrighton, chikwata icho chinokwikwidza muChampionship nechikwereti kubva kuArsenal kusvika pakupera kwemwaka uno. Mutambi uyu, uyo ane makore 21 okuberekwa, akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Brentford, Coventry neNottingham Forest muhupenyu hwake uye akabatsira Hull kupinda muPremier League mwedzi wadarika mushure mekunge anwisa kanomwe mumitambo 22.

Akpom ave kumirira kuuya kweBurton musi wa11 Kukadzi kuti agowaniswe mukana wake wekutambira chikwata ichi. Mutambi uyu – uyo anotambira England U21 zvakare – akanwisa kana kune zvimwe zvikwata zvaakambotambira.

Murairidzi wemaSeagulls, Chris Hughton, anoda kusimbisa chikwata chake kumberi apo chiri kurwira kupinda muEPL kekutanga kubva pachakapedzisira kukwikwidzamo mugore ra1983.

Hughton akati, “Panguva iyo takatendera Elvis Manu kuti aende nechikwereti takabva taziva kuti tinofanirwa kuwedzera vamwe vatambi muchikwata chedu, saka tinofara tave nemutambi akaita saChuba muchikwata chedu.

“Mutambi wechidiki, akadzidza zvakawanda apo aive kuHull muChampionship mwaka wadarika. Achaunza zvakawanda muchikwata chedu uye achabatsira vamwe vatambi vekumberi.

“Takarwisa zvimwe zvikwata kuti titenge Chuba nechikwereti uye tinoda kutenda Arsenal nekutipa mukana wekushanda naye mwaka uno kusvika wapera.”

Akpom akatanga mutambo mumwe chete kuArsenal uye akapinda mimwe mipfumbamwe achibva pabhenji. – Daily Mail Football.

CHUBA Akpom akatumirwa kuBrighton, chikwata icho chinokwikwidza muChampionship nechikwereti kubva kuArsenal kusvika pakupera kwemwaka uno.Mutambi uyu, uyo ane makore 21 okuberekwa, akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Brentford, Coventry neNottingham Forest muhupenyu hwake uye akabatsira Hull kupinda muPremier League mwedzi wadarika mushure mekunge anwisa kanomwe mumitambo 22.Akpom ave kumirira kuuya kweBurton musi wa11 Kukadzi kuti agowaniswe mukana wake wekutambira chikwata ichi. Mutambi uyu – uyo anotambira England U21 zvakare – akanwisa kana kune zvimwe zvikwata zvaakambotambira.Murairidzi wemaSeagulls, Chris Hughton, anoda kusimbisa chikwata chake kumberi apo chiri kurwira kupinda muEPL kekutanga kubva pachakapedzisira kukwikwidzamo mugore ra1983.Hughton akati, “Panguva iyo takatendera Elvis Manu kuti aende nechikwereti takabva taziva kuti tinofanirwa kuwedzera vamwe vatambi muchikwata chedu, saka tinofara tave nemutambi akaita saChuba muchikwata chedu.“Mutambi wechidiki, akadzidza zvakawanda apo aive kuHull muChampionship mwaka wadarika. Achaunza zvakawanda muchikwata chedu uye achabatsira vamwe vatambi vekumberi.“Takarwisa zvimwe zvikwata kuti titenge Chuba nechikwereti uye tinoda kutenda Arsenal nekutipa mukana wekushanda naye mwaka uno kusvika wapera.”Akpom akatanga mutambo mumwe chete kuArsenal uye akapinda mimwe mipfumbamwe achibva pabhenji. – Daily Mail Football.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey